Okurudzira kudyarwa kwemiti munyika

VACEPHAS Nyamavhuvhu
VACEPHAS Nyamavhuvhu

Kingstone Mapupu
MURIMISI akasiya basa uyo ave pamudyandigere oshanda nevarimi kumatunhu akasiyana enyika achikurudzira chirongwa chekudyarwa kwemiti. VaCephas Nyamavhuvhu (57), avo vanogara kuNew Canaan kuHighfield, vanoti vave kushandisa ruzivo rwavo rwavakawana panguva yavaive murimisi mukubatsira varimi. “Ndakashanda kumakambani akasiyana emuno munyika ndiri murimisi ndokuzofunga zvekuzorora asi handina kuziva kuti kuzorora uku hapana sezvo ndakazopinda mubasa rinodarika iro ndaiita kare apo ndave kudyara nhondo dzemiti ndichitengesera varimi vakasiyana,” vakadaro VaNyamavhuvhu.

Vanoti vanodyara nhondo dzemiti yemuno neyekunze pamwe nemaruva emhando dzakasiyana.
“Handina miti yandisina inowanikwa muno nekunze sezvo ndichishandawo nevarimi vefodya avo vandinowanisa nhondo dzemiti yemapuranga nemimwe inokurumidza kukura kuti vazowana chekupisisa fodya mumakore mashoma ari kutevera senzira yekuchengetedza masango,” vakadaro.

Vanoti nedonzvo rekukurudzira kudyarwa kwemiti, vari kuenda kumisha yemadzishe akasiyana uko vanosvikodyara miti vachidzidzisa varimi zvakare.

“Mubasa iri tiri kushandawo pamwe chete nevanoona nezvekupfuiwa kwenyuchi veBee Keeping Association of Zimbabwe sezvo mimwe mikoko yenyuchi ichiiswa mumiti,” vakadaro.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×