Zvinoitika — Dr Parirenyatwa

Muchaneta Chimuka
GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanoti mudzimai asina kuzvitakura uye asina mwana waari kuyamwisa anogona kubuda mukaka mumazamhu ake nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. Dr Parirenyatwa vanoti pane zvikonzero zvinogona kuita kuti mukadzi asinine mukaka sekufunga kuti ane pamuviri iye asina (false pregnancy), izvo zvinozivikanwa nekunzi “pseudocyesis”.

“Zvinhu zvakadaro zvinoitika, asi kwete zvakanyanya, zvichikonzerwa nekungova nepfungwa yekuti une pamuviri asi pasipo zvachose. Tinokurudzira kuti vanhu vaende kunotsvaga ruzivo kunanachiremba pamwe nekubatsirwa nekuti zvinhu zvakadai zvinoda kuongororwa nemachiremba.

“Zvimwe zvacho zvinogona kukonzerwa nekuda kwemahomoni emuviri anosanduka nenzira dzakasiyana zvichikonzerwa nemishonga inogona kudaro iri kutorwa nemunhu ari kusangana nedambudziko iri.”

Zvakadaro, ongororo yepadandemutande reWomen’s Health inoti dambudziko iri rinosanganikwa naro nemadzimai kana varume zvekuti vanenge vachiita zviratidzo zvekunge munhu ane pamuviri zvakadai sekurutsa, kubuda mukaka weruvara rweyellow kana green asi zvichikonzerwa nesanduko yemahomoni.

Women’s Health inoti zvimwe zvezvinokonzera kubuda kwemukaka mishonga kana zvinodhaka zvinotorwa nevanhu zvakadai sembanje, mishonga yeBP, mapiritsi ekurera mhuri, mishonga yechivanhu, kugarobatwa kwemazamhu kwakanyanya, kupfeka mbatya dzinobata nezvimwe zvakawanda.

Kana munhu achinge ane dambudziko iri anofanira kuenda kuchipatara kunoongororwa ropa rake kuti paonekwe kuti mahomoni ake akamira sei uye panogona kuitwa sikani inodaidzwa kunzi (ACT scan) kuti paonekwe “pituity gland” riri kuburitsa mahomoni emhando ipi.

Kana dambudziko iri richinge rabatwa, chiremba vanogona kunyorera murwere mishonga inoderedza kugadzirwa kwemahomoni aya. Asi kazhinji dambudziko iri rinonzi rinowanzopera roga.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×