Okwapaidzwa nechibayamoyo

CHIREVO chinoti, “Kufa kwemurume hubuda hura” chakashaya basa zvichitevera nyaya yemumwe murume uyo akanotsvaga hupoteri kumatare mushure mekugara achirohwa neshamwarikadzi yaakaramba ichiti akaitambisira nguva.

Marko Mahuneta akaendesa Cecilia Kabanda kuHarare Civil Court achiti anomuonesa chakati tende.

“Ishe wangu, uyu aimbova musikana wandaidana naye zvekungofara. Nyaya yakazouya pakurambana, iye haachadi kurambwa. Ava kunditevera kwandinosevenza nekumba kwangu achindituka pakazara vanyarikani,” akadaro Mahuneta. Akati Kabanda haasi kugutsikane kuti haachamudi zvisinei kuti akabvira kare achimuudza.

“Kana asina kuzvinzwa kuti handichamudi ndati nditaure zvakare dare rakaterera kuti handichamudi. Hapana chimwe asi kuda kuedza kundinyadzisa pamberi pevanhu. Izvozvi handichina nechiremerera chese kubasa nekumba nekuda kwake.

“Dai zvaibvira dare randidzivirira kuti asandiitire zvese izvi, ndiraramewo upenyu husina kushungurudzwa kwakadai,” akadaro.

Kabanda akabvuma mhosva yekutuka nekurova Mahuneta achiti anorwadziwa nenguva yaakatambisirwa.

“Murume uyu akandibvisa kuSouth Africa kwandaisevenza achindivimbisa rudo rwepamusoro. Ndava kudanana naye akatanga kundishungurudza akasvika pakutombondirova panguva yandakabata pamuviri pake achibatsirana nevanhu vekumba kwavo.

“Kana ndichimutevera kumurova zvese nekumutuka ndinenge ndichimutsiva kundishungurudza kwaaindiita pamwe chete nekundipedzera nguva yangu. Kana kundiramba chaiko haana kundiudza, muno mudare ndimo mandazozviona kuti haachandidi.

“Asi ndinodawo kuti andibhadhare nguva yangu yaakanditambisira pandaifanira kuzviitira zvekuzviraramisa ndega,” akadaro Kabanda.

Mutongi Tafadzwa Muvhami akapa Mahuneta gwaro rerunyararo akati vaviri ava vagarisane murunyararo.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×