Haachengete vana vake, asi veshamwarikadzi

MURUME wekubheja mudare kuti haafe akachengeta vana vake asi veshamwarikadzi akanzi abhadhare $150 yemendenenzi pamwedzi.
Philis Jerero akaendesa murume wake, John Jeni, kuHarare Civil Court achida mendenenzi apo aiti ari kuchengeta vana veshamwarikadzi asi vake vachidya nhoko dzezvironda.

“Murume uyu akatiza pamba apo akangobuda achiti ari kuenda kubasa mwedzi mitanhatu yadarika, haana kuzodzoka. Akandisiya nevana ndisina kana pekutangira achinogara neshamwarikadzi ine vana vayo vatatu,” akadaro Jerero.

“Haasi kuchengeta vana vake uye anonyepa kuti ane vana, havasi vake. Ari kuchengeta shamwarikadzi nevana vayo vake vachidya nhoko dzezvironda. Kana kuchikoro havasi kuenda. Ndikamuchaira nhare anoti ndichauya, dzimwe dzenguva anodairisa shamwarikadzi yake yonditukirira,” akadaro Jerero.

Akati aida $300 yemendenenzi pamwe ne$100 yekushaiswa zvemumachira zvichitevera kutiza kwakaita murume wake.

“Haadi kubhadharira vana mari yechikoro, anoti vana vako madofo saka zviri nani kuchengeta veshamwarikadzi,” akadaro Jerero.

Jeni haana kuwirirana nezvainge zvichitaurwa naJerero achiti:
“Iwe handina kana kobiri randinokupa, kanganwa hako kana kumba kwacho handidzoke, ndakatokemba kweshamwarikadzi.” akadaro Jeni.

“Vana ndevako, hauna kana shungu navo kuti vagone chikoro iwe wacho hauna shungu neni. Saka ndakatsvaga ane shungu neni, kushamwarikadzi handibve kune mufaro mutambarakede chaiwo.

“Vana veshamwarikadzi handiregi kuchengeta. Ndinovabhadharira mari yechikoro nekuti vanogona chikoro uyezve vanotonditi baba.” Mutongi Gamuchirai Siwardi akati Jeni abhadhare $150 ypamwedzi.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×