Omanikidza mudzimai kutora chikwereti

Memory Lemani
MURUME wekunzi ari kushungurudza mukadzi wake achimumanikidza kuti atore chikwereti kubasa kwake chekuti awane mari yekutangisa bhizimusi akazomhan’arirwa kudare redzimhosva. Monalisa Mvundura akaendesa Christopher Manobva kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza nekumurova pamwe nekumutuka pamberi pevana vavo.

Mvundura akaudza dare iri kuti: “Handina kana mufaro mumba mangu nekuda kwehunhu hwababa ava. Chose chandaita chinongonzi chakashata. Kana vana chaivo vava kutomuzeza nekuti akauya kumba anenge achingopopota, kundirova nekunditukirira zvisingaiti pamberi pevana.“Pari zvino hatisi kugara tose sezvo ndichishanda kunze kweHarare. Kunetsana kuvanhu vakaroorana kunotarisirwa asi kwedu kwazonyanya nekuti nyaya dzacho dzatinonetserana ndedzenhando.

“Ari kundimanikidza kutora chikwereti kubhanga chekuti atange bhizimusi asi ini ndiri kuramba nekuti ndikatora chikwereti ichocho handizokwanisi kuriritira mhuri sezvo ndiri ini ndiri kuchengeta mhuri mazuva ano.”

Manobva akaramba zvakataurwa nemudzimai wake achiti Mvundura ari kungoda kusvibisa zita rake.
“Ini handina zvandinoziva panyaya dziri kutaurwa nemukadzi uyu. Takangonetsana mushure mekunge ndaona meseji yandisina kunzwisisa mufoni make. Meseji iyi yaiita sekunge yatumirwa nemunhu wechirume, handina kufara nayo. Takabva tanetsana kusvika tazonoyananiswa. Asi handina kumurova.

“Imwezve nyaya yekuti ndiri kuramba kuchengeta vana ndeye kunyepa nekuti ini kusatochengeta kwandiri kuita vana kukundikana chaiko asi moyo unenge uchitodawo,” akadaro.
Mutongi Audrey Tarugarira akatambira chikumbiro chaMvundura ndokuti vaviri ava vagarisane murunyararo.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×