SACHIGARO weNorthern Region Division One, Willard Manyengavana, anoti zvakakosha kuti zvikwata zvose zvinokwikwidza muligi iri zviongorore hutano hwevatambi vose kuitira kuti vazive matambudziko avanenge vanawo panyaya dzeutano.
Izvi zvinotevera chiitiko chinosuwisa chekufa kwakaita mutambi weZRP Morris – Nyasha Chakanyuka – nguva yadarika apo aiita gadziriro dzake nechikwata ichi.
Manyengavana anoti kubvira mwaka uno zvichienda mberi vachange vachikurudzira zvikwata zvose kuti zvivarakidze magwaro emamiriro ehutano hwevatambi uye kana pane anenge ane chirwere chaanacho haatenderwi kuzotamba nhabvu.
Anoti nyaya yemushakabvu – Chakanyuka – yakavasuwisa zvikuru uye zvakare yakavavhura meso kuti vakoshese kuongororwa kweutano hwevatambi.
“Kutaura chokwadi izvi zvinhu zvatakange tisingambotarise kare, asi nyaya iyi yakativhura meso. Zvinorwadza chaizvo kufirwa nemutambi wedu.
“Kutanga iye zvino tave kuda kuti zvikwata zvose zvitipe magwaro ehutano hwevatambi vazvo vatirakidze kuti vakaongororwa here? Hatidi kuramba tichisangana nenyaya dzakadai,” anodaro Manyengavana.
Anoti munguva inotevera vane tarisiro yekubatana nemachiremba ane mukurumbira kuti avabatsire kuongorora vatambi ava.
“Tiri pakati pekuita hurukuro nevamwe vanachiremba kuti vatibatsire kuburikidza nekufamba vachiongorora vatambi vakasiyana.
“Iyi haisi nyaya yekutamba nayo, zvakaitika kuna Chakanyuka zvakatirwadza saka hatidi kuzviona zvichiitika zvakare kune vamwe,” anodaro Manyengavana.
Zvakadaro, mune imwe nyaya inodyidzana neino, svondo radarika Patrick Ekeng anove chizvarwa chekuCameroon uyo aitambira Dinamo Bucharest yekuRomania akashaika nechirwere chemwoyo apo chikwata chake chaitamba neViitorul Constanta kozoti Bernardo Ribeiro wekuBrazil aitambira Friburguense akadonhawo munhandare akazonofira kuchipatara.




