Mufaro, misodzi kuvatambi

HONGU, mutambi wetsiva ane mbiri Charles Manyuchi akatambirwa zvine mutsigo paakadzoka kumusha achibva kuRussia uko kwaakaenda kunorwa akakunda chizvarwa cheko Dmitry Mikhaylenko musi weChishanu wapfuura, akahwinha mukombe kana kuti bhande reWorld Boxing Council welterweight silver belt.

Mikhaylenko achipihwa zvamatsenga nzungu akaimba: “Nyuchi’dzo, ahe-e dzandiruma; nyuchi’dzo, ahe-e dzandiruma! Dzati apa dzandiruma, napapa, dzandiruma!”

Aramba achidadisa nyika mwana anonzi Manyuchi uyu, zvokuti ukaona zvimwe zvisingafadze zviri kuitika kune mimwe mitambo – huwori nokungotadza kuhwinha mitambo mikuru inotambwa nedzimwe nyika — waifunga kuti ruzhinji rwavanhu rwuchaona zvakakodzera kumugamuchira nechiremera, nokuonawo kuti awana pundutso mubasa retsiva raakati ndihwo upenyu hwake, kudya nokurara kwake.

Kana Alfonso “Mosquito” Zvenyika, uyo akamboitawo mutambi wetsiva ane mbiri, akataura kukosha kwazvakaita kuti murwi akaita saManyuchi ayeukwe achiri kugadzirira kuenda kuhondo pane kuzoyeukwa ahwinha hondo — asina rutsigiro rwakakwana.

Hongu mimwe mitambo yakaita senhabvu inounza mari yakawanda nokuti inokwezva vatsigiri vakawanda.

Takazviona timu yebhora yeLeicester Football Club, kuEngland yakange isati yambotora mukombe upenyu hwayo hwose, uyewo pasina tarisiro yokuti ingahwinhe, payakasimudza mukombe wePremier League.

Kwakafarwa, kusanganisira nezvizvarwa zvomuno. Patinozoziva kuti rutsigiro rwavo harwusi rwokungokuza chete, asi kuti vanotopinzawo mari mumitambo iyi ndepavanobhadhara mari dzemasai-sai eTV kuti vakwanise kuona mitambo iyi paSupersport nezvimwewo zviteshi.

Asi, vamwe vachifara kudaro, vamwewo vaichema sezviri kuitika kuCameroon iyo yakarasikirwa navatambi vebhora vaviri vanoti Patrick Ekeng uyo aive nemakore 26 okuberekwa. Ekeng akashaya musi weChishanu wadarika kunhandare yebhora kuRomania kwaaitambira chikwata cheDinamo Bucharest.

Zvinonzi Ekeng akangodonha maminetsi manonwe apinda munhandare, vanhu vakatarisa mutambo waionekwa paTV.

Akazoshaya maawa maviri mushure mokudonha uku. Zvinonzi shamwari yake yakati akange asingade kutamba nokuti ainzwa muviri wake wakangorukutika.

Pasina mazuva maviri apfuura mushure mokufa kwaEkeng, mubati wepagedhi webhora ravasikana kuCameroon zvakare, Jeanine Christelle Djomnang, akangodonhawo musi weSvondo chikwata chake chichigadzirira kupinda mumutambo.

Djomnang aivewo nemakore 26 achitambira chikwata cheFemina Stars Ebolowa. Zviri kufungidzirwa kuti akashaya nechirwere chemwoyo.

Kuchema kweCameroon kuchema kweduwo zvakare, panguva ino varasikirwa nevatambi vechidiki vange vaine remangwana rakajeka.

Handivo vatambi vebhora vakangofa zvisina tsarukano. Aimbove mutambi weScotland Under-21, Chris Mitchell uyo aive nemakore 27 okuberekwa, akashayawo zvakare mushure mokunge atsikwa nechitima. Mitchell akashaya musi mumwe chete naEkeng.

Nhasi vaimbi, mangwana vatambi vebhora, asi wozvinyaradza nokuti ndiwo magumo edu tose.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×