Ongororo yezvirimwa yoitwa

crops
Kingstone Mapupu

NYANZVI dzinoona nezvekurima kuchikamu cheArex kuMashonaland Central dziri mubishi kutenderera dunhu rose iri dzichiongorora kutandavara kwakaita minda yakarimwa mwaka uno pamwe nehuwandu hwezvipfuyo nedonzvo rekuona mamiriro ezvinhu izvo zvinozobatsira muhurongwa hwekusimudzira mabasa ekurima.
Murimisi mukuru mudunhu reMashonaland Central (Provincial Agronomist), VaIzah Jaidi, vanoti ongororo iyi yakakosha zvikuru sezvo ichiita kuti vazive matambudziko ari kusangana nevarimi mubasa ravo.

“Kuno kuMashonaland Central nyanzvi dzedu dziri kufamba dzichiona minda yedu nezvirimwa zvakarimwa uyewo nekuti zvipfuyo zvedu zvakawanda zvakadii. Ichi chirongwa chiri kuitwa munyika yose mupurovhinzi yoga-yoga,” vakadaro VaJaidi.

Vanoti pari zvino mamiriro akaita zvirimwa pamwe nezvipfuyo akanaka zvikuru sezvo mvura iri kunaya zvakaringana.

“Itarisiro yedu kuti tine goho rakanaka mwaka uno, makonye akanga amboda kupinda muno erudzi rweArmworm asi takabatsirwa neHurumende tikapihwa mishonga yekuauraya,” vakadaro.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×