Girls High yakarambira nemukombe

ghAbel Ndooka
CHIKWATA cheGirls High svondo rapera chakarambira nemukombe mumutambo weGirls High Blue Bay Invitational Under-20 Basketball Tournament uyo wakatambira pachikoro ichi muHarare. Zvakadaro, pamutambo wevakomana, Marlborough High ndiyo yakakunda zvimwe zvikoro.

Girls High yakunda Conway College 15-10 mufainari yainakidza zvikuru kukunda ngoma kurira, ukuwo kuvakomana Marlborough yakazvambura Churchill Boys High 19-17.

Mitambo iyi yainge iine zvikwata 40 – 20 zvevasikana ne20 zvakare zvevakomana.
Girls High yaive muboka raive nezvikwata zvinoti Eveline, Marondera High, Jameson pamwe neDzivarasekwa 2 High kozoti Marlborough yakakweshana neAllan Wilson, Morgan, St Ignatius pamwe uye neMurewa High.

Gore rino ndere chitatu mutambo uyu uchiitwa uye kubva pawakatanga Girls High, kuvasikana, ndiyo yang-e ichingohwina mukombe uyu.
Kuvakomana, gore rapera mukombe wakatorwa nePrince Edward. Vatambi vakatsaukana vakapihwawo mibairo yakasiyana seyeMost Valuable Player (MVP) uyo kuvakomana wakaenda kuna Luis Sibanda wekuMarlborough High kozoti kuvasikana ukatorwa naGetrude Mapiye wepaGirls High.

Zvakadaro, zvikwata zvizhinji zvaishandisa mutambo uyu kutsvaga vatambi vazvinoda kuzotenga kozotiwo sangano reNational Association of School (NASH) Heads raiongorora vatambi vanogona kuzopinda muchikwata chenyika.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×