VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi akati aida mari yakawanda yemendenenzi kubva kune aimbove murume wake yekuti abhadhare kuchikoro kuchadzidza mwana wavo sezvo zvisingaiti kuti afunde pachikoro che”povho” nekuti ane kumwe kudya kusingawirirane naye.
Lynn Mandifura akaudza mutongi weHarare Civil Court Babra Mateko kuti Dennis Kapaso haadi kuriritira mwana wake asi achipedzera mari mukuchengeta vana veshamwarikadzi yake.
“Ndiri kuda $150, ndiyo inokwana kuendesa mwana kuchikoro. Baba vacho vanondishamisa kuti havadi kuriritira mwana wavo asi ivo vachichengeta vana vemumwe murume vemukadzi waari kugara naye.
“Chokwadi mari yodyiwa here nevana vasiri vake?
“Vari kuchengeta vana vaviri vemukadzi wavari kuchaya naye mapoto asi kubhadhara chikoro chemwana vari kutadza,” akadaro.
Mandifura akati anoda kuti mwana wavo adzidze pachikoro chepamusoro sezvo paine chimwe chikafu chisingawirirane naye.
“Mwana wangu hazviite kuti aende kuchikoro chemhanga-mhanga nekuti anozorwara. Ndakatoenda kunachiremba vakanditaurira kuti mwana wangu hazviite kuti adzidze pachikoro chepovho sezvo aine chikafu chisingawirirane naye. Saka anoda chikoro chemhando yepamusoro-soro.
“Nyaya iyi baba vacho vanotoiziva, kubvira tichiri tose vaiita kuti mwana ararame upenyu hwepamusoro saka havafanire kuchema-chema pakubvisa mari,” akadaro Mandifura.
Akati Kapaso munhu ane mari sezvo ari engineer uye anopota achienda kunze kwenyika nebasa.
Kapaso akati anokwanisa kubhadhara $50 chete.
“Dai mwana aendeswa kuchikoro chakachipa chandinozokwanisawo kubhadhara uye amai vacho vanofanira kundibatsirawo nekuti munhu wamukoti anotobatawo mari yakawanda kudarika yandinotambira,” akadaro.
Mutongi Mateko akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka zvakare mudare.




