Opa mabhezari kuvana vechikoro

Daphne Machiri
SANGANO rakazvimirira reAfrica Rise Foundation riri kusimudzira dzidzo yevana vanobva kumhuri dzinotambura asi vari shasha muchikoro kuburikidza nekuvapa mabhezari.

Muhurukuro naSolomon Ndondo (25), uyo anova mutungamiri wesangano iri, anoti akaritanga nekuda kwematambudziko aakasangana nawo mukuwana mari yechikoro apo aiyaruka.

“Ndakakura ndichigara naamai vangu vanova zvakare ndivo vaimira sababa mukundibhadharira mari yechikoro. Asi ndakazosvika pakushairwa mari yechikoro mugore ra2010 apo ndaiva muForm 2,” anodaro Ndondo.

“Ndakazopihwa bhezari neveHigher Life Foundation kubva Form 2 kusvika kuyunivhesiti saka ndizvo zvimwe zvakandipa shungu dzekubatsira vana vari kushaya mari dzechikoro,”

Ndondo anoti ari kuita mabhindauko akasiyana ayo ari kumubatsira kuunganidza mari dzaanopinza nadzo chikoro vana vanobva kumhuri dzinotambura.

“Ndinorima nyimo nezvimwe ndichitengesa nechido chekubatsira vana vechikoro vanotsvunha mabhuku asi vachishaya anovabhadharira mari dzechikoro. Ndakatanga nezvikoro zviviri zvandakadzidza kubva puraimari, Vhembe Primary neVhembe High School, zviri kuBeitbridge,” anodaro.

Anoti gore rino akapa vana vanosvika gumi mabhezari.

“Takapa mabhezari vana vanomwe vekupuraimari nevatatu vesekondari uye ticharamba tichivabatsira kusvikira vapedza A-Level.”

Ndondo anoti vane hurongwa hwekuzopa masanitary pads pachena kuvanasikana vechikoro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *