Orongera vamwene gen’a

Gabriel Singano

MUROORA anonzi ari kutukirira vamwene vake achivati vawora nemukondombera uye achavarongera gen’a rembavha dzinovabvisa chiri kumeso izvo zvakaita kuti vapotere kudare redzimhosva. Brenda Bandera akamhan’arira Eneresi Komboniyatsva kuHarare Civil Court.“Changamire, ndamira pamberi pedare nekuda kwemuroora uyu anogara achindishoropodza paruzhinji achinditi ndakatowora nekuda kwekuti ndinorwara nechirwere cheshuramatongo. Anogara achiuya pamba pangu achindituka zvinyadzi nekuda kwekuti anofunga kuti ini ndini ndinoita kuti asagarisane nemurume wake zvakanaka.

“Chikumbiro changu kunemi ndechekuti itai kuti mwana uyu asauya achindishungurudza nekuti ini handinei nezvemumba mavo. Zvekurwara nekuwora kwangu ngaazvisiye ivo vogara kwavo ini kwangu.

“Anozviti anozivana nembavha dzaachatuma kuzondipa chidzidzo,” akadaro Bandera.

Komboniyatsva akataurira dare kuti vamwene vake vaisada kuti iye nemurume wake vadzokerane achiti vakange vambosiyana nekuda kwavo.

Akaenderera mberi achiti vamwene ava vava kutsvaga nzira yokuti iye nemurume wake vasiyane zvakare nekuti havamude saka ndicho chikonzero vakamumhan’arira kumatare.

“Kutaura chokwadi mashoko tinotaudzana asi ivo vamwene vangu ndivo vasingade kuti ndigarisane nemwana wavo.

“Zuro ndivo vakamboita kuti ndisiyane, pari zvino takadzokerana asi ivo vaisada. Apa vava kungotsvaga mhosva chete vachindinyepera kuti ndinovati vakawora nekuda kwekuti vane AIDS, havangondidawo chete vamwene ava,” akadaro.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa gwaro redziviriro kuna Bandera.

Related Posts

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Keith Moyo otevera matsimba ababa

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira — Keith Moyo (13) — ari kutevera mumatsimba ababa vake, Godfrey “Goda” Moyo, avo vakaita mukurumbira vachitambira zvikwata zvinosanganisira Motor Action, Lengthens nemaWarriors.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×