Rondedzero

Ticha Danga

PAZVIRONGWA zvapfuura takatarisa mamiriro erondedzero kubva kunhanganyaya kusvika kumhedziso. Rwendo rwuno tinoda kuchiongorora mhando dzacho dzerondedzero. Tinoda kubata mhando imwe neimwe tichipanana mabatiro atingadziita mubvunzo.Tine rondedzero inonyanyozivikanwa nevakawanda. Iyi ndeye tsanangudzo.

Vana vazhinji vanokwanisa chose kunyora rondedzero yetsanangudzo nekuti haina nhongwa dzakawanda. Iyi rondedzero hainetsi kunyora nekuti unenge uchitaura pamusoro pechinhu chawakwanisa kuona nemaziso ako.

Unogona zvakare kunge uchichibata namawoko ako nekudaro haupererwi nezvekunyora.

Iyi rondedzero hainyanyoda zidengu rezvirungamutauro kunze kwefananidzo. Pasi pemhando iyi ndipo panopinda misoro inoti, “Chipfuyo chandinofarira, Baba vangu, Mudzidzisi wangu kana Chikoro chedu”.

Chinongodiwa apa kuunganidza pfungwa dzako wodzironga zvichibva kumusoro kudzika kuzasi (top to bottom description) kana kuti kubva kuzasi uchikwidza (bottom to top approach).

Kunouyawo rondedzero yenhoroondo. Iyi inodana humhizha nehutsanzi hwemwana hwekurudunura mutauro wakarungwa apo anenge apihwa mukana wekupa nhoroondo yezvakaitika muupenyu. Inopa mwana mukana wekutaura chero zvaasina kuona asi achingoshandisa huchenjeri hwake.

Chakakosha kubata dingindira remusoro wenyaya nekuti unogona kufuririka kukanda zvirungamutauro iwe wabuda kare mugwara.

Ndipo panopinda rondedzero dzine misoro inoti, “Zuva randisingakanganwi”, “Mabiko andakaenda” kana “Rwendo rwandakafamba nebhazi.”

Kune dzimwe nguva dzinonyorwa rondedzero dzine nechekuita nekukakavara. Rondedzero yegakava yakati omei uye inoda munhu anonyatsova neruzivo nedzidziso yakakwana. Zviri nyore kurova dondo kana wasarudza mhando iyoyo yerondedzero.

Zvino kuti ukwezve pfungwa dzemukwenyi, unotoda kuti ubate kwese (mativi ose) uchiburitsa huipi nehunaku hwacho. Munyori anozokarirwawo kuti azowana divi rake rimwe chete raanozoti naro kurerekera.

Panogona kubuda musoro wenyaya unoti, “Kugara kumaruwa kwakanaka kupfuura mumadhorobha”.

Chinofanirwa kungwarirwa apa ndechekuti unofanira kuzoburitsa kuti kumaruwa kwakanaka pekupedzisira nekuti ndizvo zviri kuda musoro wenyaya.

Asi dai musoro wanga wakati, “Ndekupi kwakanaka kugara kumaruwa kana kudhorobha” waizogona kungosarudza divi rako raunoramba wakarerekera uchipa tsigiro.

Iyi mhando inonyanyoda vana vaya vava kuchikoro chepamusoro.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×