IMBWA HAIHUKURE SADZA: Ndizvo zvinotipa kuti tinyeperwe nesoshomedia

MBIRI haidi zvekutsvagwa, asi inofanira kuuya yega. Mbiri haivhimwe nedemo kana pfuti. Kana uchitsvaga mbiri, unoziva kuti kana wakamira wega pasina mbiri yako unenge wakafanana nemapete emukicheni anorarama nekudya husiku kana vanhu vachinge varara.

Handirambe kuti kunze uko kune humhizha huri pakawanda. Ndicho chikonzero chinoita kuti vanoimba vaimbe misambo yakasiyana-siyana: sungura, zora, kanindo, reggae, mbira, jiti, Zimdancehall, masikanda zvichienda zvakadaro.

Ndiri kutsvaga kunzwisisa kuti vaimbi veZimdancehall vari kunzwisisa here kukosha kwebasa ravo sevaimbi munyaya dzetsika nemagariro edu sevanhu? Ichokwadi ndinozviziva kuti tsika nemagariro zvinoshanduka nekuti kare haagare ari kare. Asi taita dambudziko retsika nehunhu nekuda zvave kupoya nekuda kwekuimba nekuratidza zvinyadzi kuri kuitwa mumusambo weZimdancehall.

Chokwadi tingashandise nhepfenyuro dzenyika kupembedza nekushambadza tsika dzakatsokodzerwa nekutsengwa-tsengwa?

Tinowanei mumagate estonyeni? Ichokwadi musambo weZimdancehall wanetsa chaizvo, asi tsika yemusambo uyu yekushambadza bonde, nyama nenhengo dzemiviri, nezvinyadzi kuparidza vhangeri rerufu? Ini ndizvo zvinoita kuti nditaure kuti “chakanaka chakanaka, imbwa haihukure sadza,” uyewo jee ijee zvaro, dzihwa harigochwe.”

Zvakarewo ini handidi kusekerera benzi rinonwa muto vamwe vachida kuseva. Kushaya mabhureki etsika nehunhu zvave kun’en’ena hunhu hwedu.

Tsika dzatiri kutevedzera nekupembedza idzi itsika dzaani? Chii chatiri kukurudzira senyika kana tichipembedza vakomana nevasikana vari kuimba zvinyadzi nekuita mavhidhiyo asina tsika nehunhu? Maitiro ave kuita vaimbi vazhiji veZimdancehall anenge ekuti vanhukadzi havana chimwe chinhu chavakasikirwa kunze kwekushandiswa kufadza vanhurume.

Ichokwadi musambo uyu uri kufarirwa nevakawanda, asi chavari kudzidzisa chaicho chii? Vasikana vanotamba zvinoenderana nekuita bonde itsika dzekupi idzodzo? Kana tasvika ipapo tozodii?

Chiri kundikatyamadza ndechekuti nyangwe ZTV chaiyo yaisambobvumira zvinonyadzisa paTV yave kungobvisawo mbatya pamberi pemhuri yese.

Nyaya dziri munziyo zhinji dzeZimdancehall ndedzekudya mari, bonde, mafaro akadirwa shuga, bling bling, fashoni, doro, kudhakwa, kubhigwa nekufinhura. Pane chii chakanaka muzvinhu izvozvi?

Chimwe chinopembedzwa nemusambo uyu kutambisa mari kunoitwa nevanhu vanoda kuti nyika yese ifunge kuti zvavo zvaita, asi chokwadi chiri chekuti kurarama manyepo. Chete zvakagara zvakaonekwawo nedzimwe nyanzvi dzekuAmerica kuti nesuwo vanhu tinofarira kubatwa kumeso. Ndizvo zvinotipa kutsvaga makuhwa pamusoro pevaimbi nevanhu vane mari. Ndizvo zvinotipa kuti tinyeperwe ne”soshomedia”.

Nyaya iripo ndeyekuti hupenyu hwemagitare nemimhanzi hupenyu hwekutsvaga kutaurwa. Ndizvo zvinoita kuti vamwe vaimbi vazonyepedzera kuti pane zvaitika kwavari, asi vachizviitira kutsvaga mbiri. Nyaya iripo chaiyo ndeyekuti hupenyu hwemufirimu hwakasiyana nehupenyu chaihwo.

Ndakanga ndine shamwari dzanguwo dzairidza magitare nekuimba, dzichitsvaga mbiri, asi kana uchirarama hupenyu hwemufirimu chete, ziva kuti mumwe musi magetsi achadzima.

Kufamba mbiri kunofadza. Kutaurwa kunopa manyemwe. Kukwaziswa nemaFans uchifamba kunochinjisa step, asi gamba rezvekuimba rinonzi Oliver Mtukudzi rakaimba kuti: “Kuzvininipisa kune pundutso.”

Satani chakamudzingisa kudenga kwaakanga ane basa rekuimba inyaya yekuzvikudza. Kuzvikudza kunoreva kuti unenge wave kuzviita mukuru kudarika zvauri chaizvo. Saka kuzvikudza manyepo.

Tsika ndidzo zvinhu zvinotiita kuti tinzi vanhu vane hunhu. Kusvitsa tsika dzetsvina kuvanhu kunotisiya tave kunhuhwa. Shoko raMwari rinoti, “Kuda kwaMwari kuti muitwe vatsvene: kuti murege upombwe; kuti mumwe nemumwe wenyu adzidze kudzora muviri wake nenzira tsvene uye inokudzwa, asingaiti mukuchiva . . .”

Imi muri kudzidza chii paStonyeni neMagate?

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×