‘Pana vaMugabe: Africa yakagona’

Muchaneta Chimuka
ZVIZVARWA zveZimbabwe zvakarumbidza kusarudzwa kwakaitwa mutungamiriri wenyika neHurumende, President Robert Mugabe, kuve sachigaro wesangano reAfrican Union (AU).

President Mugabe svondo rapera vakasarudzwa, pasina kupokana, kuAddis Ababa, kuEthipoia, kuti vave sachigaro weAU.

Kutora kwavo chigaro ichi kwakaona dzimwe nyika dzekumadokero dzichibvisa zvirango zvekufamba izvo zvadzakange dzakavatemera. Vaverengi vakagashira kusarudzwa kwaPresident Mugabe, avo vanovazve mukuru-mukuru weuto reZimbabwe Defence Forces, nemawoko maviri.

VaGivemore Matanhire (45) vekuChitungwiza vanoti vanofara zvikuru nekusarudzwa kwakaitwa President Mugabe kuti vatore chigaro ichi.

“Izvi zvinoratidza kuti Africa ine chivimbo nemutungamiriri wedu uye zvinoratidza zvakare kukunda kweZimbabwe zvichitevera kubviswa kwakaitwa zvirango zvekufamba zvavakange vakatemerwa,” vakadaro VaMatanhire.

VaJonga Chikukwa (68) vekwaMutoko vanoti President Mugabe munhu ane ruzivo rwakanyanya.

“Cde Mugabe vakasarudzwa mushure mekuonekwa kuti vane ruzivo nezvirongwa maringe nezvinhu zvemuAfrica uye havana hudyire. Kusarudzwa kwavo kuchaona Africa ichibudirira zvikuru,” vakadaro.

Cde Silvia Tinoza (31) vemuHarare vanotiwo danho iri richaona vechidiki vemuAfrica vachisimudzirwa munyaya dzemabasa uye zviwanikwa.

VaKevin Ngasvi (31) vekuBudiriro, muHarare vanoti vari kutarisira shanduko huru munyaya dzekusimudzirwa kweAfrica zvichitevera kusarudzwa kwaPresident Mugabe kuve sachigaro weAU.

President Mugabe vakatsiva mutungamiriri wenyika yeMauritania, VaMohamed Ould Abdel Aziz, uye vachange vari sachigaro weAU kusvika gore rinouya.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×