‘Paridzai runyararo, kubatana munyika’

Abel Ndooka
MUIMBI wenziyo dzechitendero — Hetisani Mharidzo — anoti vaimbi vane basa guru rekuparidza shoko rerudo nekubatana kuti nyika ibudirire kuburikidza nenziyo dzavo.

Mharidzo anozivikanwa nekambo kanonzi Born Again ako kakaita mukurumbira gore radarika pachirongwa cheCoca-Cola Top 50 apo kakapedza kari pechishanu.

Muhurukuro neKwayedza, Mharidzo anoti ibasa revaimbi kuparidza shoko rerudo nekubatana munyika.

“Nguva yatiri mazuva ano inguva yakaoma zvikuru nekuti zviri kunetsa kwese saka isu sevaimbi ndipo tinofanirwa kuonekwa tichibata basa nekutsikisa mhanzi inokurudzira rudo nekubatana pazvese kuti tibudirire.

“Mhanzi chombo chikuru chinobata basa saka sevaimbi ngationekwe tichishandisa chombo ichi kuparidza shoko rerudo rekuvaka kwete mhirizhonga zvatinoona zvichiitwa nevamwe vaimbi vari kusimukira, kunyanya veZim-dancehall. Aiwa izvo bodo tinoramba tinoda rudo nerunyararo chete,” anodaro Mharidzo.

Kubva achitanga kuimba, Mharidzo akwanisa kutsikisa madambarefu maviri anoti Mharidzo iro raakaburitsa mugore ra2013 kozoti Another Chance ra2018.

Gore rino, muimbi uyu anoti ari kubika kambo kamwechete kanonzi Mwari Wakanaka.

“Zvinhu zvose zvatinoita tinofanirwa kuzviisa mumaoko aMwari kana tichida kubudirira muhupenyu saka zvakakosha kuti timuremekedze nekumuimbira nziyo dzekumurumbidza.

“Nekudaro ndiri kubika kambo kanonzi Mwari Wakanaka kerumbidzo ako ndinovimba kuti kachanetsa zvikuru,” anodaro Mharidzo.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×