Vonyurura madzimai mumatambudziko

Muchaneta Chimuka
SANGANO rakazvimirira, reOne Africa Trust — iro rakananga kusimudzira raramo yevanhu, zvikuru madzimai — rinoti riri kuita zvirongwa zvakasiyana zvekuvadzidzisa mabasa akaita sekugadzira sipo, kuve vabatsiri vevarapi (nurse aid), kurima, kuita zvemabhizimisi nezvimwe zvakawanda.

Gloria Zengeya, uyo anova supervisor wesangano iri, anoti pari zvino vakadzidzisa madzimai anodarika 10 000 mabasa akasiyana kubvira pakavambwa sangano iri muna2006.

“Mugore ra2006, sangano iri raidaidzwa kunzi Institute of Youth of Africa (IYA) richibva razosandurwa ronzi One Africa Trust muna2016. Zita idzva iri rinoumba humwe hwekuti tiri vanhu vemuAfrica, saka tinofanira kubatana munguva dzematambudziko.

“Kusvika pari zvino tadzidzisa madzimai anodarika 10 000 uye tinotarisira kuramba tichienderera mberi. Tinoda kunyurura vanhu kubva mumatambudziko tichivaendesa pazvinzvimbo zvepamusoro kuburikidza nekuvawanisa hunyanzvi hwemabasa kuitira kuti vazova vanhu vanozvivambira mabhizimisi anovapa chouviri pane kuti vangova vanongoshandira vamwe. Tinoda kupedza nzara nehurombo muvanhu,” anodaro.

Mamwe emabasa avanofundisa anosanganisira kurimwa kwehowa, kuchengeta hove nekugadzira sipo dzekugeza zvimbuzi, mavambirwo emabhizimisi, pakati pezvimwe.

Mitchelle Munana, uyo anova murongi kuOne Africa Trust, anoti zvose zvirongwa zvavo vanozvipakurira veruzhinji pachena.

“Chinodiwa bedzi kuti vanhu vanoumba chikwata chevanhu vashanu kana kudarika, voronga zuva nenguva dzavanoda kudzidziswa. Tinobva tavatumira mudzidzisi kunzvimbo dzavanogara kana kuti vanouya kumahofisi edu.

“Tine madzimai ane chitsama ari kupupura maringe nekudzidza kwavakaita uye tinozovabatsira zvakare mukutsvaga mabasa. Hapana dzidzo yekumberi inodiwa asi kuti munhu anofanira kunge achigona kunyora nekuverenga bedzi,” anodaro.

Anoti kune vose vakanyoresa senhengo dzesangano ravo, vanowaniswa rubatsiro rwemari dzekufundisa vana vepuraimari nekireshi, kuenda kunonyoresa mimba kusvika pakubara, mudyandigere, mari dzekurapwa, kubatsira panhau dzenhamo kureva kuti kana uchinge wafa kana kuti washaikirwa nehama yepedyo, kubatsirwa mukutenga nzvimbo dzekuvaka dzimba nemamwe mabasa etsitsi.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *