Pasuwa akamhanya: Mubaiwa

SACHIGARO weDynamos FC, shasha dzeligi reCastle Lager Premiership dza2014, Kenny Mubaiwa akashora zvikuru murairidzi wechikwata chavo, Callisto Pasuwa, nekumhanya kwaakaita kumapepanhau kunotaura kuti haasi kuzosaina kondirakiti idzva navo.

Zvichitevera kuhwina kwakaita Dynamos mukombe weligi svondo radarika pazuva rekupedzisira religi apo payakakunda How Mine 2-0, Pasuwa akataura nevatori venhau vazhinji ndokubuda pachena kuti uyu waive mutambo wake wekupedzisira achirairidza DeMbare sezvo asiri kuzosaina imwe kondirakiti kuchikwata ichi.

Kondirakiti yaPasuwa inotarisirwa kupera musi waZvita 31 gore rino.

Mubaiwa anoti akakatyamadzwa nemashoko aPasuwa zvikuru sei asina kumbobvira ataura navo nehurongwa hwake mune remangwana.

“Akamhanya chaizvo muchinda uyu, akamhanya, haungazivise mapepanhau kuti hauchade basa isu tinobhadhara tisingazvizive.

“Iye zvino tave kuda kuona kuti achauya kwatiri achiti kudii pamusoro penyaya iyi.

“Hatina hedu zvatichataura tichaona kuti achaita sei nekumhanya kwaakaita, isu sechikwata tinoda kushanda nevanhu vanoda kushanda nesu saka kana iye asingadewo, zvino hatimbomumanikidze,” akadaro Mubaiwa.

Zvakadaro, Mubaiwa anoti chikwata chavo hachisati chatanga kupemberera kuhwina kwachakaita ligi sezvo chakadzokera mukembi kunotanga gadziriro dzekurwira mikombe yeGushungo Cup pamwe neweMbada Diamonds Cup.

Anoti DeMbare icharwa semvumba kuti ihwine mikombe miviri iyi.

Svondo rino Dynamos ichasangana neHighlanders FC mumutambo weGushungo Cup uyo uchatambirwa kunhandare yeNational Sports Stadium muHarare.

Mubaiwa anoti chikwata chavo chinofanirwa kuhwina mikombe iyi kuti chitsive yeChibuku Super Cup pamwe neOne Wallet Cup iyo yachakakundikana kuhwina mwaka uno.

“Basa redu harisati ratanga uye mhemberero dzekuhwina ligi takambodzisendeka sezvo tiri kuda kutanga tambohwina mimwe mikombe miviri yeGushungo Cup pamwe neMbada Diamonds Cup.

“Isu tinenge masoja anoenda kuhondo, izvo zvatinoita kana tave kutamba nhabvu, tinoda kuhwina mikombe yese inokwikwidzwa muno. Svondo rino Bosso tinoda kuirakidza kuti mukuru ndisu apo tichasangana nayo mumukombe weGushungo Cup. Tiri kuda chaizvo kuuhwina mukombe uyu sezvo une mari yakanaka chaizvo.

“Isu tiri munhabvu kutsvaga mari, ibhizimisi kairi saka tinotofanirwa kuhwina kuti tiwane mari tigotambirisawo vatambi vedu.

“Tinongonamata chete kuti mweya yakaipa isapindire sezvayakaita apo taigadzirira mutambo weChibuku Super Cup uyo wakazotidyisa mitambo yedu,” akadaro Mubaiwa. Kwayedza yakaedza kutyaira Pasuwa nharembozha kuti ikurukure naye asi yaive yakadzimwa kusvika pakunodhindwa kwebepanhau rino.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×