Peter Moyo atambira vanin’ina vake kuUtakataka Express

Trust Khosa

HUTUNGAMIRIRI hweUtakataka Express hunoti hwakasununguka zvakanyanya kutambira vanin’ina vaPeter Moyo avo vanoti Tanaka and Tongai Moyo (jnr) kuchikwata ichi.

Vanin’ina vaPeter ava vaivepo apo akaparura dambarefu rake muHarare, ndokubatana naye kuimba pasiteji uye ndokuzotorwa mifananidzo vose mushure mekunge vapedza kuimba.

Chiitiko ichi chakafadza zvikuru vatsigiri vemushakabvu, Tongai Moyo, unova mucherechedzo wekubatana kwemhuri iyi paruzhinji.

Muhurukuro neZimpapers Arts and Entertainment Hub, maneja waPeter, Kudakwashe Zhuwawo, anoramba runyerekupe rwekuti vatatu ava havawirirane achiti vanonzwanana zvakanyanya.

“Peter Moyo ave munhu asamhuka mupfungwa, izvo zvisingaonekwe chete nekuda kwebasa rake asi kuti nezvaanoita mumhuri yavo. Vanin’ina vake, Tanaka naTongai (jnr), vagara vanomutsigira uye vanoremekedza Peter semukoma wavo.

“Vanouya kumashoo ake nguva nenguva uye tine chokwadi kuti izvi zvinoita kuti vaonekwewo nevatsigiri. Vakasununguka kubatana naye (Peter) pavanenge vachida. Iye zvino vasamhuka uye tinovimba vachatora matanho ane huchenjeri,” anodaro Zhuwao.

Peter akaparura dambarefu rake rechinomwe,  Muchinda Muhombe, izvo zviri kuramba zvichisimbaradza hushasha hwake muindasitiri yezvemimhanzi.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *