‘Poacher’ Kufahandiuyi ayeredzwa achitandisa nhoro

Kingstone Mapupu

MURUME aivhima mhuka zviri kunze kwemutemo nevamwe vake vatatu kumasango eMorena Game Ranch kuKwekwe akazoyeredzwa nerwizi apo aidzingirira nhoro.

Tsaona iyi yakaitika nemusi wa14 Kukadzi nenguva dza10 manheru.

 Varume vana (4) ava vanonzi vakamutsa nhoro kumasango aya ndokutanga kuidzinganisa iyo yakanoyambuka rwizi rwaiva ruzere apo mumwe wevarume wavo akazoedza kuyambuka rwizi urwu ndokutadza kushambira achibva ayeredzwa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nemusi uyu, Severino Kufahandiuyi (25) nemasahwira ake matatu vaivhima zviri kunze kwemutemo kumasango anochengetwa mhuka eMorena Game Ranch.

“Varume ava vakanopinda kumasango aya usiku apo kwainaya ndokutanga kuvhima. Vakazoona nhoro iyo vakatandanisa kusvikira yakanoyambuka rwizi rwaMatura rwaiva ruzere. Ipapo vose vakaedza kuyambuka rwizi urwu vachida kuuraya mhuka iyi, panguva iyi Kufahandiuyi akabva atadza kushambira ndokubva ayeredzwa,”  vanodaro Insp Mahoko.  

Vanoti nyaya iyi yakazosvitswa kumapurisa kwakabva kwauya nyanzvi dzezvemumvura mutumbi uyu uchibva wanyururwa.

“Mutumbi uyu wakazotakurwa kuendeswa kumochari yechipatara cheKwekwe General Hospital wakamirira kuongororwa nanachiremba. Tinoyambira veruzhinji nguva dzose kuti kuvhima zviri kunze kwemutemo vanhu vanosungwa voendeswawo kumatare edzimhosva vopihwa zvirango zvekugara kumajeri uyewo iyambiro yedu kuti vanhu vasayambuke nzizi dzizere mvura sezvo zviine njodzi yekuyeredzwa kana kurumwa nezvikara zvakaita senyoka kana makarwe,” vanodaro Insp Mahoko.

“Vanhu kana vachida kuvhima ngavaende kuchikamu

cheZimbabwe National Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks) vonopihwa matsamba ekuvhima zvakanaka kwete zvekuvanda sezvo vachitungamirirwa nenyanzvi kuita izvi.”

Related Posts

World Ozone Day rakacherechedzwa

Muchaneta Chimuka   ZIMBABWE yakabatana nenyika dzepasi rose mukupemberera zuva guru rekudzivirira kusvibiswa kwemhepo yemuchadenga reWorld Ozone Day rinova rinocherechedzwa nomusi wa16 Gunyana gore negore. Vachitaura pachiitiko ichi muHarare, gurukota…

Mutyairi wekombi akadhakwa akandwa mujeri kwemakore maviri

Ray Bande DARE reMutare Magistrates’ Court rakatongera murume ane makore 38 ekuberekwa kuti apedze makore maviri ari mujeri nemhosva yekutyaira kombi yakatakura vanhu akadhakwa, munyaya iyo yakaonekwa sekutyora zvakanyanya mitemo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *