Vanhu 3 vaurayiwa nemheni pamugodhi wezvicherwa

Kingstone Mapupu

VANHU vatatu vakafa uye vamwe vashanu vakakuvadzwa mushure mekurohwa nemupande wemheni pamugodhi weChimurenga Mine kuVanguard, kuMberengwa svondo rapera.

Inspector Emmanuel Mahoko vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands vanoti tsaona iyi yakaitika nemusi wa19 Kukadzi nenguva dza4 masikati apo kwainaya mvura zhinji yaiva nemupande wemheni.

“Vakashaika pakarova mheni iyi ndiSimbarashe Chimombe (23) wekuBuhera, Clemence Mucheri (36) wekwaSabhuku Chamutsa kudunhu raMambo Chamutsa kuBuhera naPardon Ncube (23) wekuDorset Debia kuZvishavane. Tsaona yekurohwa nemheni iyi yakaitika apo vashandi ava vaiva pamugodhi wavo vachigadzira imba yekugara yemapuranga (cabin),” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti pakatanga mvura kunaya, vashandi ava vose vari vasere vakamhanya kunovanda mvura iyi mune imwe imba yemapuranga yaivapo kare.

“Mheni yakarova vose vari mukati mecabin iyi, varume vatatu vachibva vangofira panzvimbo uye vamwe vakapunyuka ndokutanga kuridza mhere vari mukati vachishevedzera kuti vazobatsirwa. Vamwewo vanoshanda pamugodhi uyu vakazomhanya kunovanunura ndokunowana mitumbi yevarume vatatu ava yakarara pasi. Vashanu vakanga vakuvara ava vakazotakurwa kuendeswa kuchipatara cheMberengwa District Hospital uko vari kurapwa upenyu hwavo husina kunyanya kuipa,” vanodaro Insp Mahoko.

“Mukufeewa kwenyaya iyi, zvakaonekwa kuti pane mumwe wavo aiva achishandisa nharembozha yake panguva yakazorova mheni iyi apo aitaura panhare zvinova zvisingabvumidzwe. Nhare inoshevedza masaisai emheni saka kana kuchinaya nyanzvi dzinoti hazvibvumidzwe kushandisa nhare,” vanodaro Insp Mahoko.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *