Munyai apondwa auya netsvakairakuno yeUS$30

Kingstone Mapupu

MURUME anove munyai kana kuti sadombo aiva atumwa netsvakiraikuno yeUS$30 yemwanasikana weimwe mhuri yekuMwenezi, kuMasvingo – uyo aive atizira kumukomana wake – akapondwa nevemhuri iyi vachiti mari yacho ishoma zvakanyanya.

Sadombo uyu anonzi akapondwa naamai vemusikana aikandirwa tsvakiraikuno vachibatsirana nevamwe varume vatatu.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti Farisai Zhou (47) anova amai vemusikana akanga atizira – Onai Zhou (18) – akatosungwa nekuda kwemhosva yekuponda.

 Vamwe vatatu vanoti Simbarashe Zhou, Inzwaiishe Majaya naIsaac Majaya vari kutsvagwa nemapurisa nenyaya yekuponda munyai uyu.

Insp Dhewa vanoti murume akangozivikanwa nezita rekunzi Power ndiye akanga atizisa Onai.

 Power akazotuma munyai wake, Alex Sibanda (35), nemari yetsvakiraikuno apo akasvikosangana nerufu nekurohwa nemhuri iyi.

“Akapondwa uyu ainzi Alex Sibanda wekuDwala,  kuGwanda, akasvika pamusha paMai Farisai Zhou (47)  kwaSabhuku Madzvaruse kudunhu raMambo Mazetese nemusi wa11 Kukadzi nenguva dza20 00 hours. Akawana amai ava vaine vamwe vanhu vatatu vanoti Simbarashe Zhou, Inzwaiishe Majaya naIsaac Majaya. Akasvikozvizivisa kuti aiva ani nezvaakanga afambira ndokuzoburitsa mari yaikwana US$30 yetsvakiraikuno izvo zvisina kufadza vemhuri iyi,” vanodaro Insp Dhewa.

Farisai nevamwe ava vanonzi vakazotanga kurova munyai uyu nematanda vachimuti mari yaakanga aunza yaiva shoma pane yavaitarisira.

“Farisai Zhou nevamwe vatatu ava vakarova munyai uyu nematanda pamadiro muviri wese, kumupfura nematombo erekeni nekumurova zvakare nebhutsu kusvikira afenda. Pane mumwewo munhu aidarika akazoedza kumurandutsira anzwa kuridza mhere. Vaona kuti afenda, vakazomuzvuva vakamuendesa pamugwagwa apo akazomuka woga ndokuedza kufamba kwechinhambwe chinoita mamita 500 achibva apunzikira pasi ndokurara aripo usiku hwese pasina akagona kumubatsira,” vanodaro Insp Dhewa.  

Vanoti Sibanda akaswera ari panzvimbo iyi nemusi wa12 Kukadzi apo akazoonekwa nevamwe vanhu vaidarika avo vakazozivisawo vamwe vemunharaunda iyi.

“Nenguva dza1400 hours musi wa12 Kukadzi,  kwakazoonekwa kuti Alex Sibanda aiva afa akangorara panzvimbo iyi. Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa vachibva vauya vakaongorora mutumbi uyu ukaonekwa uine maronda muviri wese ndokusunga Farisai Zhou, amai vemusikana. Simbarashe Zhou, Inzwaiishe Majaya naIsaac Majaya vakabva vatiza avo vari kutsvagwa nemapurisa nekuda kwenyaya yekuponda iyi,” vanodaro Insp Dhewa.

Mutumbi waSibanda wakazotakurwa kuendeswa kuchipatara chekwaNeshuro District Hospital uko wakamirira kuongororwa nanachiremba.

“Mudzimai akasungwa uyu, Farisai Zhou, akachengetedzwa nemapurisa achimirira kuendeswa kumatare edzimhosva nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuponda. Avavawo vamwe vatatu vari kutsvagwa nemapurisa nekudaro tinokumbira kune vane ruzivo rwekunowanikwa varume ava kuti vabatsire vagone kusungwa vaendeswewo kumatare edzimhosva,” vanodaro Insp Dhewa.

Vanokurudzira vanhu kugadzirisa nyaya dzavo mune zvakanaka pasina kurwisana kana kupondana.

“Senyaya iyi ine kutsvagana kweukama nekuroorerana, izvozvi mwanasikana wavo ari kumurume wake kwaakatizira nekudaro mukuwasha akatoshamiswa kunzwa kuti munyai wavo apondwa naambuya uye amai vemusikana vasungwa nenyaya yekuponda. Ngatitsvagei vayananisi kumachechi, kuvakuru venzvimbo, kuchikamu chemapurisa anodyidzana neruzhinji kana kumadzishe nemasabhuku,” vanodaro Insp Dhewa.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×