Kingstone Mapupu
MURUME anogara kwaSabhuku Majuru kwaMambo Chirau, kwaZvimba anoti atambura nekutsvaga mudzimai wake uyo akangobva pamba achienda kusina anoziva nemusi wa6 Kurume gore rino.
Tyson Mashiri (35) anoti ari kutsvaga mudzimai wake, Enicia Mapurazi (30), uyo anoshanda kupurazi rekwaKatsere kuChitomborwizi kwakare kwaZvimba.
“Mudzimai wangu akabva pamba ini ndisipo ndaenda kumusangano ndokuenda kusina anoziva achisiya vana vedu vana vanosanganisira wemakore gumi, wemakore manomwe nemapatya ane makore matatu nemwedzi misere yekuzvarwa. Handizive kuti akatsamwe chii, chava kundinetsa ndechekuti mazuva aakashaika aya kwainaya mvura zvakanyanya, ndaneta nekumutsvaga,” anodaro Mashiri.
Anoti mushure mekushaya mudzimai wake uyu, akatanga kutsvaga kwese kwaaifungira kubvira kubasa kwake kupurazi rekwaKatsere nekumusha kwake kuMakonde kwanatezvara nekumwe kwakasiyana.
“Ndaita mazuva ndichishaya mudzimai uyu, ndakaenda kumapurisa vakandipindura kuti ndimutsvage ndimuwane kusvikira ndakazoenda kubasa kwake kupurazi uku ndikamushaya zvakare. Ndakazoguma ndaenda kumusha kwake kwanatezvara kuMakonde, mumasango nemunzvimbo dzakatenderedza kuno kwaZvimba ndiri kutsvaga kureva kuti handina zororo,” anodaro Mashiri. Anoti chinoshamisa musi wakabva mudzimai uyu pamba akasiya vana vari voga pasina kana kuzivisa mwana wavo mukuru kuti aiva ava kuenda kupi.
“Basa handichagona kushanda nekuda kwenyaya iyi, ndiri kungogara ndakarindira vana ndichivachengeta. Nhare yake akasiya pamba sezvo isina mutsara. Kune vanogona kutibatsira munyaya iyi, vanoridza nhare panhamba dzinoti 0777 544 081 kana 0783 661 063,” anodaro Mashiri.
“Kubasa handichagona kuenda kureva kuti vana vava kufa nenzara, chaizvo zvakaitika handizvizve saka ndinodawo kubatsirwa kune vanenge vaona mudzimai wangu. Nyika yava nemazino, handichaziva chaizvo zvakaitika kumudzimai wangu,” anodaro Mashiri.
Nekuda kwenyaya iyi, mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Ian Kohwera, vanokurudzira vanhu vakaroorana kugara zvakanaka pasina bopoto nemhirizhonga.
“Munyaya yevanhu vaviri ava, panogona kunge paine mashoko asiri kutaurwa nemurume uyu achida kuvanza. Vanogona kunge vakanetsana mumba mavo kana kurwisana chaiko. Mhirizhonga mudzimba haibvumidzwe, anenge aita mhirizhonga anosungwa oendeswa kumatare edzimhosva. Chionai kuti vari kutambudzika vana vasina zvavanoziva,” vanodaro Insp Kohwera.



