QE yakadadisa

Van Rooyen akatora  mukombe weSainzi

Daphne Machiri —
ZIMBABWE yakahwinha mibairo — wekutanga newechipiri —mumakwikwi ezvikoro zvesekondari ezvigadzirwa zvesainzi, eAfrican Science Buskers Festival, ayo akaitirwa muHarare nguva pfupi yadarika.

Kunze kweZimbabwe, mumakwikwi aya akapindwa nezvikoro zvakabva kunyika dzinosanganisira South Africa, Zambia, neKenya.

Mubairo wekutanga wegrand prize senior category wakatorwa naCarol Van Rooyen wepaQueen Elizabeth High, muHarare.

Van Rooyen akagadzira muchina unonzi Nanofertiliser uyo unobatsira makambani anogadzira fetereza kusepa mishonga yaanoshandisa kuitira kuti isave nenjodzi huru kana ikasangana nemvura inoshandiswa neveruzhinji.

Mubairo wechipiri wakatorwa naInnocent Ndambakuwa wepaAnthony’s High, kuMasvingo, wechitatu ukahwinhwa naJan-William Verhoef wekuGarsfontein High, kuPretoria, kuSouth Africa.

Makwikwi aya ane donzvo rekusimudzira dzidzo pamwe nezvigadzirwa zvesainzi.

Mutungamiriri wesangano reZimbabwe Science Fair — iro raiona nezvemakwikwi aya — Knowledge Chikundi, anoti anonzwa kufara nekukunda kwakaitwa nezvikoro zvemuno.

“Donzvo redu ranga riri rekupana ruzivo nekurodza njere mune zvidzidzo zvesainzi. Makwikwi aya zvakare anoenderana nechirongwa cheHurumende chekusimudzira zvidzidzo zvesainzi, cheScience, Technology, Engineering neMathematics (STEM),” anodaro.

Anoti vari kutsvaga vadzidzi vane matarenda muzvigadzirwa zvesainzi pavana vanosvika 20 000 munyika yose.

Muhurukuro neKwayedza, Van Rooyen anoti akafunga zvekugadzira muchina weNanofertiliser mushure mekuona kuti mishonga inoshandiswa nemakambani anogadzira fetereza ine njodzi huru kana ikasangana nemvura inoshandiswa neveruzhinji.

“Pamakore gumi achatevera, tsvakiridzo yangu yeNanofertilizer ichakwanisa kuti kuve nekushomeka kwekukanganiswa kwemvura munyika kubva kumishonga inoshandiswa nemakambani anogadzira fetereza,” anodaro.

Related Posts

Makore matatu murume achirikitwa nemudzimai

Tendai Gukutikwa MURUME wekwaMutare anoti apedza makore matatu achirarama upenyu huzere kutya nokuda kwekushungurudzwa nemudzimai wake, uyo anomuzvambaradza nemugoti pamwe nekumuruma, izvo zvaita kuti muviri wake usare wave nemavanga. Izvi…

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×