‘Regai kukwira mushika-shika’

Abel Ndooka

SANGANO rePassenger Association of Zimbabwe (PAZ) riri kukurudzira vafambi kuti vasakwire mota nemakombi zvemushika-shika sezvo zviine njodzi huru yekukonzera kutapuriranwa kwechirwere cheCovid-19.

Pasi pemitemo yekurwisa denda iri, mabhazi nemakombi akanyoreswa nekambani yeZUPCO bedzi ndiwo anotenderwa kutakura veruzhinji.
Asi mumaguta nemadhorobha, mune makombi nemotokari dzemushika-shika dziri kutakura vanhu zvisiri pamutemo.
Mutungamiri wePAZ – VaTafadzwa Goliat – vanoti makombi nemotokari dzemushika-shika idambudziko guru riri kukonzera kuti vafambi vabirwe pamusoro pekuiswa panjodzi yekutapurirwa Covid-19.

Vanoti zvakakosha kuti vafambi vakwire makombi nemabhazi ari kushanda ari pasi peZUPCO.

“Mushika-shika idambudziko chairo riri kukonzeresa kuti vanhu vabirwe zvinhu zvavo uye vakwegura vari kushungurudzwa nenzira dzinosanganisira kudhonzwa-dhonzwa kana kundundurudzwa zvisina kufanira.
“Saka isu tinomirira kodzero dzevafambi, tiri kukurudzira veruzhinji kuti ngavasakwire mota nemakombi zvemushika-shika.
“Vanhu kana vapedza mabasa avo kana zvimwe zvavanenge vafambira mumaguta nemumadhorobha, ngavaende kunomirira mabhazi eZUPCO ayo anotenderwa kutakura veruzhinji,” vanodaro VaGoliat.

Vanoti mutsvakurudzo yavakaita, zvakaonekwa kuti vemota nemakombi emushika-shika havatevedzere matanho akatarwa ekurwisa kupararira kweCovid-19 sezvo vafambi vanenge vakazarisa uye pasina kushandiswa kwesanitizer.

“Kuzara kunoita mota dzemushika-shika kwakaipisisa sezvo ndipo vanhu vanozosvika pakutapurirana Covid-19 nekuti zvagara vanhu havasi kutenderwa kuungana.
“Mota idzi dzinenge dzisina kupfapfaidzwa mishonga inouraya hutachiona uye vamwe vanotofamba vasina kana kupfeka mamasiki. Saka ngatichengetedze upenyu hwedu tifambe nemabhazi nemakombi anotenderwa ayo tinonzi neHurumende tikwire,” vanodaro VaGoliat.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×