Muchaneta Chimuka
DAMBUDZIKO rechirwere cheCovid-19 harisi kuzokanganisa chirongwa cheongororo yeringi rinodaidzwa kuti “Dairivirine ring” iro riri kugadzirwa kuti rizoshandiswa nevanhukadzi kuzvidzivirira kuhutachiona hweHIV muAfrica.
Mashoko aya akataurwa naDr Nyaradzo Mgodi vanova senior researcher kuUniversity of Zimbabwe Clinical Trials Research Centre (UZ-CTRC).
“Chirwere cheCovid-19 chakanganisa vanhu pakuti vawane kodzero yavo yeutano nekudaro takaona zvakakosha kuti tirambe tichipfuurira mberi neongororo iyi kuitira kuti madzimai nevanasikana vabatsirikane mukudzivirira HIV. Tinoda kuti madzimai ave nesarudzo yemhando dzinoenderana navo mukudzivirira HIV.
“Ringi iri rinenge riine mushonga unodzivirira hutachiona hweHIV kumadzimai, kana richinge rapfekwa kusikarudzi rinotanga kuburitsa mishonga pashoma nepashoma inoita kuti vasatapurirwe HIV. Haridzivirire murume wavanosangana naye,” vanodaro Dr Mgodi.
Vanoti kunyangwe madzimai akasvika pamazuva avo ekutevera, ringi iri harina zvarinokanganisa.
“Hapana mikana yekuti ringi iri rinogona kudonha, nekuti kana richinge rangopfekwa rinongosvika richigara panzvimbo uye kunyangwe murume waanosangana naye haatomboinzwi.
“Takaona zvakakosha kuti tiite ongororo yeringi iri mushure mekuona kuti madzimai nevasikana vari panyatwa yekumbunyikidzwa nenzira yebonde vachipedzisira vatapurirwa hutachiona hweHIV. Ringi iri rinoshanda kwemwedzi wose richizobviswa pachiiswa imwe,” vanodaro.
Vanokurudzira madzimai kuti kana ringi iri richinge yazobudirira kuti rishandiswe zviri pamutemo, vanofanira kurichengetedza panzvimbo dzisingasvikwe nevana uye kuti risangoraswe pese-pese sezvo zvichinyangadza nharaunda.
“Tichaona kuti makambani ari kugadzira ringi iri anotizivisa kuti ringaraswa nenzira ipi, kuti ringapiswa here nekuti yakagadzirwa nerabha. Tine dzimwe ongororo dzatiri kuita kuti madzimai ave nesarudzo dzakadai sekuva nejekiseni rinodzivirira HIV apo mudzimai anogona kubaiwa kamwe chete pamwedzi zvichibatsira kuderedza mutoro wekufamba vakatakura mapiritsi asi kune vane dambudziko nekubaiwa tsono vanokwanisa kushandisa mapiritsi kana maringi aiwaya.
“Sarudzo ikavapo zvinobatsira mukuzadzikiswa kwekodzero yeutano hwesikarudzi,” vanodaro Dr Mgodi.
Vanoti sangano reEuropean Medicine Agency (EMA) riri kupembedza ongororo iyi mushure mekuona kuti inoshanda nemazvo mukudzivirira HIV nechikamu che40 percent.
Dr Mgodi vanoti pachiri kuda kuitwa zvekare ongororo yekuti ringi iri rinoshanda here kumadzimai akazvitakura.
“Ringi riripo pakudzivirira HIV kumadzimai asati abatwa nehutachiona uhwu uye ongororo iyi takaiita kuMalawi, South Africa, Uganda neZimbabwe. Ringi iri rakanakira kuti mudzimai anokwanisa kurishandisa uye achiribvisa pachake, asi zvinoda kuti nyaya dzeutsanana dzinge dzichikosheswa kuitira kuti pazazomuka matambudziko ezvirwere. Inogezwa nemvura yakachena bedzi isina kana sipo yobva yadzorerwa panzvimbo,” vanodaro.
Zvakadaro, ringi iri haridzivirire kubatwa kwepamuviri uye zvimwe zvirwere zvepabonde zvisiri HIV.




