‘Ndinosva ndanwa hangu weti’

Kingstone Mapupu

MURUME anogara kuUnit A, kuChitungwiza, uyo ari kuzvimba gumbo rekurudyi zvekutadza kupfeka matarauzi kana kufamba uye wekuti akashinhirirwa neshamwarikadzi yake iyo iri kuti kana achida kupona anotofanirwa kunwa weti yake, anoti angomirira kufa bedzi sezvo pasina kubatsirwa kwaari kuitwa.

VaIshmael Muronda (47) vanoti gumbo ravo rakangotanga kuzvimba mugore ra2020 vachibva kubasa kusvikira nanhasi harina kuzopora.
Murume uyu anoti aiva gadhi pane imwe kambani uye akatoburitswa basa nekuda kwehurwere uhwu izvo zvave kuita kuti atambure nemudzimai nevana vavo vana.

Kwayedza svondo rapera pamberi yakaburitsa nyaya yaVaMuronda apo vaitsvaga rubatsiro rwekuti vapore.
VaMuronda vanoti vakambodanana nemumwe mukadzi uyo ari kuramba kurambwa uye ari kubuda pachena kuti akavaisa mushonga werunyoka nekurwadziwa kuti sei vasina kumuroora semudzimai wavo wechipiri.

“Ndinotenda zvikuru mudzimai wangu Locadia Muchingami (40) nekuti kunyangwe zviri kubuda pachena kuti ndakagadzirwa nemunhu wandaimbodanana naye uyo akandiisa runyoka, iye haana basa nazvo asi ari kungondida zvakadaro nekutambura kwedu.
“Mukadzi uyu aimbova shamwarikadzi yangu, ndiye anogara achiuya pamba pedu achiti mudzimai wangu wechipiri, achitoganza kuti ndikatadza kunwa weti yake handirarame,” vanodaro VaMuronda.

Murume uyu anoti akazvipira zvake kunwa weti yemudzimai uyu kana zvichiita kuti ararame sezvo apererwa nemazano.
“Kwese kwandinofamba ndinonzi mukadzi uyu ndiye akandiisa runyoka seshaisano kuti sei ndisina kumuroora. Anoti anoda kuripwa kana kuti ouya oita mudzimai wangu wechiripi asi handigone kugara naye nekuti handina mari yacho yekuvachengeta vose nemhuri yandinayo iyi,” vanodaro VaMuronda.

Vanoti kumaporofita nekudzin’anga vanotaurirwa kuti mudzimai uyu ndiye akavagadzira nemishonga senzira yeshaisano.
“Kuchipatara ndakaenda kukanzi kunodiwa $33 431 iyo yandisina uye yainzi ndeye kuti chirwere chiongororwe kozodiwa imwe yekurapwa. Izvozvi ndinoroja 2 rooms nemhuri yangu, mari inodiwa handina, kudya chaiko nezvekupfeka kwevana nemari yechikoro hapana sezvo ndisisaende kubasa apa mudzimai wangu agerewo pamba.”

VaMuronda vanoenderera mberi vachiti, “Ndatambura vehama kune vanokwanisa kundibatsira vanondibata pa0775 164 649, kudya chaiko kumba kwangu hakuna. Ndangomirira kufa zvangu.”

Murume uyu anoti chekuripa nacho mukadzi akamushinhirira uyu haana uye dzimwe hama dzake hadzichada kumuona nekuda kwehurwere hwake uhwu.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×