Kingstone Mapupu
SANGANO rinomirira vanhu vakwegura reHelpAge Zimbabwe (HAZ) rinoti riri kushushikana zvikuru nekuda kwekupondwa kwevakwegura munyika vachipomerwa huroyi kunyanya munguva ino yechirwere cheCovid-19.
Mai Priscilla Gavi vanova executive director wesangano iri vanoti kubva pakatanga chirwere ichi muno kumavambo kwegore ra2020 – dambudziko rekupondwa kwevakwegura, kurohwa nekudzingwa mumisha – riri kukura.
Vanoti vari kushanda nemapurisa muongororo yekuona huwandu hwevakwegura vapondwa kubva munaKurume wegore rapera pakanyuka chirwere cheCovid-19.
“Sesangano, tatambudzwa nekupondwa kwevakwegura munguva ino yeCovid-19 nevehukama vachinzi vanoroya. Zvagara zviriko asi nguva ino zvawedzera nekuti vanhu vane matambudziko mazhinji ari kuunzwa nedenda reCovid-19 ayo vanoguma vave kufunga kuti vari kuroiwa.
“Pavanofamba kungava kudzin’anga kana kumaporofita, vanotaurirwa kuti machembere emudzinza ravo ndiwo ari kuvaroya kana kuvapa minyama voguma vave kunouraya kana vabereki vavo chaivo, vanambuya nanasekuru,” vanodaro Mai Gavi.
Vanokurudzira vanhu kuti vatambire matambudziko avanosangana nawo kwete kupomera chembere neharahwa kuti ndidzo dziri kukonzera matambudziko avo.
“Mamiriro ezvinhu pasi rose hakuna zviri kufamba zvakanaka, makambani ari kuvhara, vanhu vachibuda mabasa uye misika yekutengesa zvakasiyana yakadzikira kureva kuti nhamo inouya muvanhu nemudzimba nekuda kweCovid-19,” vanodaro.
Mai Gavi vanoti seHAZ, vari kupemberera makore makumi mana nerimwe chete ekuzvitonga kuzere kweZimbabwe vachicherechedza kodzero dzevakwegura nekuti ndivo vakaunza rusununguko rwenyika.
“Tiri kupemberera kuzvitonga kuzere nemusi wa18 Kubvumbi nekuda kwechembere neharahwa idzo dzakanobata gidi nekuita zvakasiyana vakarwa kusvika tasununguka kudai. Nhasi tave kuvaponda tichivati varoyi? Ngatizivei kuti kuchembera hakuzi kuroya,” vanodaro.
Vanoenderera mberi vachiti, “Tichibatsirwa nemapurisa, tiri kuita ongororo yechembere neharahwa dzakapondwa dzichipomerwa huroyi munyika kubva mugore ra2020 kusvika izvozvi.”
Svondo rapera, pane muzukuru akaponda tete nemurume wavo kuMhondoro achivapomera huroyi uyewo kwaMurehwa kune mwanakomana akaponda amai vake nasekuru achivapumha huroyi zvakare.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti nyaya dzekunangwa huroyi kwevakwegura nevamwewo vanhu vachiguma vapondwa, kurohwa kana kushungurudzwa dziri kuwanda munyika.
“Tiri kusangana nenyaya dzekupondwa kwevakwegura dzakawanda nevamwewo vanhu vachipomerwa huroyi. Tiri kushanda nesangano reHelpAge Zimbabwe tichisunga vose vari kupara mhosva idzi.
“Tinoyambira maporofita nen’anga vari kurwisanisa vanhu nekuvapumha huroyi, iyi imhosva huru,” vanodaro Asst Comm Nyathi.




