Kingstone Mapupu
MAMBO CHIREYA, VaHenry Chidzivo, vekuGokwe, vokurudzira kurimwa kwembesa dzetsanga diki dzakadai sezviyo nemapfunde sezvo dzinotirira muzuva.
Kurudziro iyi iri kuuya zvichitevera kusanduka kwemamiriro ekunze apo mvura inombonaya zvakashomeka mune mimwe mwaka.
Vanoti vari kushanda zvizere nevarimisi vemudunhu ravo nechinangwa chekusimudzira mabasa ekurima.
“Tasarirwa nemazuva mashoma kuti tinge tichicherechedza zuva remagamba mumwedzi waNyamavhuvhu watakatarisa. Ivhu ndiwo waive musimboti wedu wekuti tiende kuhondo yeChimurenga, saka kuno kwaChireya tinoda kusimudza mureza wemagamba nekurima mbesa dzose, zvikuru dzetsanga diki, idzo dzinoita zvakanaka mudunhu redu reGokwe, dzichishingirira muzuva,” vanodaro.
Vanoti masabhuku avo anodarika zana ari kushanda navo pamwe chete nevarimisi kuti kuonekwe kuti minda yose yairarira iri kurimwa gore rino.
“Tichibatsirwa nechirongwa cheHurumende chePfumvudza, apo tinopihwa mbeu nefetireza, mumakore adarika, takaona tichikohwa, zvikuru kuno kwaChireya.
“Rwendo rwuno, varimisi vedu takavakumbira kuti vawedzere mbeu yezvirimwa zvetsanga diki zvakaita sezviyo, mapfunde, mhunga, nzungu, nyimo nezvimwewo,” vanodaro Mambo Chireya.
Vanoti sezvo kazhinji mudunhu ravo muchinaya mvura shoma, vagari vemo vanokurudzirwa kurima mbesa dzinoshingirira muzuva.
Vanoti chirongwa ichi chiri kusimbiswa neminda yeZunde raMambo, iyo inowanikwa mumusha wasabhuku ega ega, kuchizotiwo munda mukuru wamambo.
“Tine minda midiki yemazunde emasabhuku, kwoitawo munda mukuru weZunde raMambo. Paminda iyi, sabhuku ega ega anorima minda iyi.
“Kudya kunokohwewa muminda iyi kunoiswa mumatura ekumasabhuku iwayo, goho remunda mukuru weZunde raMambo roiswawo mudura guru ramambo,” vanodaro mambo Chireya.
Vanoti goho remazunde iri riri kubatsira zvakanyanya mukudzinga nzara mudunhu ravo.
Mambo Chireya vanoti vakawirirana nemasabhuku avo kuti murimi ega ega anofanirwa kurima zvirimwa zvishanu, zvinosanganisira mapfunde, mhunga, chibage, rukweza nemaringazuva.
“Urongwa uhwu takahuona huchibudirira; hapana munhu anofa nenzara zvekushaya chekudya mumba make. Masabhuku anonyora mazita evarimi vose nezvirimwa zvavanenge varima, mabhuku acho ounzwa kwamambo nekuvarimisi.
“Naizvozvo, varimi vari kutevedza chirongwa ichi uye vachibatsirika zvikuru,” vanodaro Mambo Chireya.
Vanoti mamwe madzimambo ekuMidlands ari kuitawo zvimwe chetezvo.




