Ronaldo onanga Manchester City?

VATAMBI veManchester City vanofunga kuti chikwata chavo chichada kutenga Cristiano Ronaldo, sekutaura kwaGraham Hunter. Ramangwana remutambi weReal Madrid uyu range richikurukurwa zvakanyanya mwedzi yadarika, zvichitevera kusatamba kunogutsa kwaari kuita kuchikwata chaCarlo Ancelotti. Achitaura neRevista de La Liga, Hunter anoti ramangwana remutambi uyu harizivikanwe, asi chibvumirano chekutengeswa kwake chichabva kwaari kwete kuchikwata chake.

“Ndinoziva kuti vatambi veManchester City vange vachikurukura vachiti zvimwe pane zvinogona kuitika pakutengwa kwemutambi uyu kubva kuchikwata chavo mumasvondo anotevera,” akadaro Hunter.

“Kuti titi ichokwadi here kana kuti kwete, handikwanise kuzvitaura.

“Chatinoziva kuti zvikwata zvikuru, zvine mari yakanyanya zvinogona kumutenga, asi hapana nguva chaiyo yakanaka yekuzvitaura.” Sky sports News.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×