Ticha Ticahziva
CHITSAUKO 2 (Nyaya yacho)
MuGweru, Rudo anosvikowana murume wake asipo pamba. Aisigaronzwa kuti kune chinhu chinonzi bhawa asi ainge asati ambosvika pedyo naro. Mukadzi waanofamba naye vakananga kubhawa anonzi mukadzi waVaMasango. Rudo anofamba achipota achisarira mumashure nepamusaka pekuti ari kuringa zvose zvose zvaanoona zvekuti dzimwe nguva Mai Masango vanenge vachitaura vachifunga kuti vari kutaura naRudo, vozoona kuti haasi mumashure mavo pavaizobvunza mubvunzo woshaiwa anoupindura.
Mai Masango vanotaura nezvemumwe mukoti ainge apihwa pamuviri nemumwe mukomana ndokubva arambwa, kwava kuzviuraya achisiya mwanasikana uyo ainge achangosununguka. Rudo anotadza kunzwisisa nyaya iyi.
Vachifamba kudaro, vanopfuura nepane imwe imba yakakomberedzwa newaya imwe chete pane chikwangwari chakanyorwa kuti vanhu vangwarire imbwa.
Pamba apa pane rumwe rumbwa rwainge rwakaondoroka zvekuti hameno kana rwaigona kumuka. Rudo anobva afunga kuti zvimwe zvakanyorwa pachikwangwari ichi zvaireva kuti vanhu vangwarire kusakuvadza rumbwa urwu kwete kuti irwo pacharwo rwaiva nezvarwaikwanisa kuita.
Pavanosvika pabhawa murindi wepagedhe anenge oda kurambidza Rudo kupinda achiti aiva pwere asi paakazoona kuti ane pamuviri, anomubvumidza achishoropodza maitiro evasikana vadiki okuda varume. Mubhawa muzere nebongozozo. Munoti rugere, rurere, ruri kushapira hwahwa, ruri pamudungwe wekunotenga doro, aiwa hazvitaurwi.
Mai Masango vanoti vajairana nazvo vachishoropodza kuita kwevanhu vanofarira zvemubhawa. Vanenge vatadza kuwirirana nemuromo vaipedzerana nezvibhakera. Pane murume akapfeka shinda zvadzo ari kuumburuka mumadhaka asi achitukirira vanhu vari kumutsika paakarara.
Panosvika chimwe chikomana chine chirimi chinombotaura naRudo kwozotiwo mumwe murume aive nechikomo chebhuku aitaura chaati chiRungu.
Hameno kuti chiRungu rudzii chakadaro! Anotaurawo nezvaanoti ndiro raive basa rake rokugara achiongorora zvinonetsa vanhu achinozvipira kuvaRungu vake.
Mubhawa umu maive netsika yezvidhakwa yeku “paridza”.
VaMasango vanotaura kuti vaimbopinda svondo chaiyo asi zvakazouya muGweru vakadzidziswa kupinda svondo iyo iyi naVaMutapa uyo ainge ari Joe Rug murume waRudo uyo ainge akagurungana nekudhakwa.
Rudo anoenda pane murume wake ndokuedza kumumutsa ava kufunga kuti Joe semunhu wesvondo, haaifanira kunwa doro zvakadaro.
Kuona murume wake riri doro chete zvakaita kuti aone kunyengereka kwaakange aita nekusanyatsonzwisisa kuti svondo yemurume wake yaiva svondoi. Ndopaanoona sokuti doro raishandiswa basa rekushaisa vanhu zvimiro nehunhu.
Panovharwa bhawa, Rudo anobatsirwa nevamwe kukakaradzira murume wake kukamba kavo. Mukamba aka munoita gasekase rehwahwa zvekuti Rudo anotoita zvokuzarura mafafitera kuti mhepo ipinde. Rudo anochema zvinopisa tsitsi paanoona nhamo yakaita seiyi achidemba chaizvo.
ONGORORO
Zvinotaurwa papeji 4 zvinoungira musambo uya wekuti muverengi nemumwe kana vamwe vatambi vari munyaya vari kuziva zviri kuitika, asi mumwe kana vamwe vatambi hapana chavari kuziva. Zvinotaurwa zvinoita kuti tifunge kuti mukoti wekuzviuraya arambwa nemukomana ndiamai vaRudo.
Enderero mberi svondo rinouya.




