Muchaneta Chimuka
VABATSIRI vezveutano munharaunda (Community Health Workers on Covid-19) vari kuita mabasa makukutu ekufundisa veruzhinji nzira dzekurwisa chirwere ichi dzinosanganisira kubaiwa majekiseni, kuregedza kuungana nekupfeka mamasiki.
Muhurukuro neKwayedza, VaPatrick Timothy, vanova Environmental Health Officer kubazi rezveutano nekurerwa kwevana mudhorobha reMasvingo, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19.
“Ishungu dzangu dzekuona kuti nyika yasvitsawo chikamu che60-70 percent chevanhu vanenge vabaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 kuti tikwanise kukunda hondo iyi (herd immunity). Ndinofamba ndichifundisa vanhu maringe nechirwere cheCovid-19 munharaunda uye ndichisimbaradza nyaya dzekubaiwa kwemajekiseni,” vanodaro VaTimothy.
Vanoenderera mberi vachiti, “Ini ndakabaiwa uye pari zvino handina matambudziko andati ndasangana nawo.”
VaTimothy, avo vanova zvekare nhengo yeRapid Response Team on Covid-19, vanoti zvakakosha kuti munhu wose azvidzivirire kubva kudenda iri.
Mashoko avo anotsinhirwa naVaDarlington Vurombe (43) vanova Environmental Health Technician kubazi rezveutano nekurerwa kwevana kuWard 10 kuMwenezi District vachiti, “Kubaiwa kwandakaitwa majekiseni aya kunobatsira kuti muviri wangu usangobatwa nezvirwere nhando. Kunyangwe kana ndikazobatwa nechirwere cheCovid-19 ndinokurumidza kunaya.”
VaLuxon Chikati (48) vanova murapi paDangamvura Polyclinic, kwaMutare, vanoti vanhu vari munharaunda yavo vari kutambira nemaoko maviri chirongwa chekubaiwa majekiseni.
“Iko zvino vanhu vava kuuya vachibaiwa nehuwandu hwavo. Ndinofamba ndichishambadza mashoko pamusoro pechirwere ichi mudzimba uye vazhinji vari kugamuchira dzidziso,” vanodaro.
Zimbabwe iri kufambira mberi nechirongwa chayo chekubaya veruzhinji majekiseni aya pachena uye kune vanoda.




