Musatyire vana muzvikoro: VP

Tandayi Motsi

VICE-PRESIDENT Constantino Chiwenga –  avo vanova zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana – vanoti Hurumende yakatora matanho akasimba ekumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 muzvikoro izvo zvaona zvinhu zvichigadzikana muzvikoro zvakanyuka denda iri nguva pfupi yadarika.

Muchinyorwa chakatumirwa kumasangano enhau, VP Chiwenga vanovimbisa vabereki kuti vana vavo vakachengetedzeka muzvikoro maringe nekudzivirirwa kuchirwere ichi.

“Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinoda kuvimbisa veruzhinji nevabereki vevana vakasangana nedambudziko rechirwere ichi kuti zvinhu zvadzikama uye pane matanho akatorwa ekuti denda iri risarambe richipararira.

“Vana vose nevarairidzi vakabatwa nechirwere ichi vanotarisirwa kupona munguva pfupi inotevera,” vanodaro VP Chiwenga.

Vanoti bazi rezveutano nekurerwa kwevana riri kugara richiita ongororo yakasimba muzvikoro izvo zviri kubatsira kuti rikwanise kuziva nyaya dzekunyuka kweCovid-19 nekukasika.

VP Chiwenga vanoti nechinangwa chekudzivirira kupararira kwedenda iri muzvikoro, bazi ravo riri kusimbaradza matanho akasiyana.

Matanho aya anosanganisira kuvhenekwa kweCovid-19 kuvadzidzi nevashandi vepazvikoro zvose zvakasangana nedambudziko rechirwere ichi.

“Vanenge vawanikwa vaine denda iri vanorapwa uye vachigara kwavo voga,” vanodaro.

VP Chiwenga vanoti panoitwa ongororo zvakare yekuronda vanhu vose vakasangana nevanenge vabatwa vaine chirwere ichi vachigariswa kwavo voga zvakare nechinangwa chekumisa kutapurirana kwechirwere ichi.

Pamusoro pezvo, chirongwa chekubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 kuvanhu vari panjodzi yekubatira denda iri vanogara munharaunda dziri pedyo nezvikoro izvi chiri kuenderera mberi.

VP Chiwenga vanoti nharaunda dzakasiyana dziri kupihwa dzidziso iri pamusoro pekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

“Kudzidziswa kwevashandi vebazi redzidzo yepuraimari nesekondari pamusoro pekudzivirira kunyuka kwechirwere ichi muzvikoro uye kuti kana chanyuka, ndeapi matanho anotorwa kuri kuenderera mberi,” vanodaro.

Zvakare, nharaunda dzakasangana nedambudziko rekunyuka kweCovid-19 muzvikoro dziri kuwaniswa masanitiser nemamasiki.

VP Chiwenga vanoti zvikoro zvisingatevedzere mitemo yekurwisa Covid-19 zvichatemerwa zvirango zvinosanganisira kurambidzwa kufamba-famba kwevanhu zvisina tsarukano (lockdown).

Vanoenderera mberi vachiti chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira Covid-19 chiri kusimbaradzwa kumadhorobha ari kumiganhu yenyika.

Madhorobha aya ndeanoti Beitbridge, Kariba, Mutare, Plumtree, Chirundu neNyamapanda.

Vanotizve kana chirongwa ichi chikabudirira, izvi zvichaona bazi rezveutano nekurerwa kwevana richikwanisa kubaya majekiseni vanhu vanosvika 197 828.

Huwandu uhu hausanganisire avo vakabaiwa kuVictoria Falls vanosvika 26 000.

Kusvika nemusi weMuvhuro, vanhu 37 859 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 35 031 vakatopona asi vamwe 1 553 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 280 568 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (first dose) ekudzivirira Covid-19 apo vamwe 36 423 vakabaiwa epiri (second dose).

Related Posts

 Mabhurugwa evanhukadzi otsakatika akayanikwa pawaya . . . vamwe votevera kasingagumi

Kingstone Mapupu MAMWE madzimai ekuBudiriro 2, muHarare vogara vaine kutya kukuru zvichitevera kushaya kwavari kuita zvipfeko zvavo zvemukati apo vamwe vacho vanozoguma vava kurwara vachitevera kasingagumi.   Zvipfeko zvemukati zvemadzimai…

Sulu opemberera bhavhadhe mwoyo usina kugadzikana

Trust Khosa-Zimpapers SHASHA yemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti ari kupemberera kusvitsa makore 44 okuberekwa panguva iyo mwoyo wake wakaremerwa zvakanyanya. Mubatsiri wemabasa etsitsi, chipangamazo uye shasha yekusimudzira vamwe vaimbi, Sulu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×