S Korea yotsigira kurima muZim

Muchaneta Chimuka

SOUTH KOREA inoti yakazvipira kushanda nenyika dziri muAfrica munyaya dzebudiriro zvichitevera kuwanda kweminda inounza kudya izvo zvichaita kuti Zimbabwe iwane kudya kune utano uye kwakakwana.

Mashoko aya kataurwa nemumiriri weSouth Korea muZimbabwe Ambassador Cho Jaichel nguva pfupi yadarika muguta reHarare apo vaiparura chirongwa cheKorea- Africa Food and Agriculture Co-operation Initiative.

Musangano uyu wakapindwa nenhengo dzakabva kunyika dzinosvika 12 idzo dzinosanganisira  Zimbabwe, Democratic Republic of Congo, Ghana, Mali, Kenya, Senegal, Sudan, Tunisia, Uganda, Comoros neSouth Korea.

Ambassador Jaichel vanoti vanhu vekunyika yavo vakaona kukosha kwenyaya dzekurima muZimbabwe nokudaro vari kushanda nesimba kuti vange vachiunza ruzivo rwechizvino-zvino nedonzvo rekusimudzira mabasa ekurima.

“Sezvakataurwa kumusangano weUN General Assembly mukupera kwemwedzi waGunyana, takaona kuti budiriro inoendeka iri munyika dziri muAfrica. Africa ine zviwanikwa zvakawanda kusanganisira minda inopa kudya,” vanodaro.

Vanoti South Korea yakazvipira kushanda nenyika dziri muAfrica mukusimudzira ruzivo rutsva rwuri maringe nenyaya dzekurima.

Ambassador Cho Jaichel

South Korea, vanodaro Ambassador Jaichel, haina minda yakawanda yekurima uye inowana mvura shoma yekunaya asi iri kukwanisa kurima mupunga.

“South Korea ine makomo akawanda uye chikamu che22 percent cheminda apowo mvura yemudenga inowanza kunaya kune dzimwe nyika dzakatikomberedza. Tinorima zvikuru kuSouth Korea uye munyaya dzekurima gore rapera taive  pachidanho che15 pasi rose,” vanodaro.

Vanoti South Korea yakazvipira kugoverana ruzivo rwekurima nenyika dzainodyidzana nadzo dziri muAfrica.

Mumashoko avo avakaverengerwa pagungano iri naDr Washington Mbizvo – munyori mukuru kumahofisi emutungamiriri wenyika (Chief Secretary to the President and Cabinet) – Dr Misheck Sibanda vanoti Zimbabwe yakazvipira kushanda nedzimwe nyika senzira yekusimudzira kurima.

“Kurima ibhizimusi guru rinoda mukomberanwa pasi pechirongwa cheZimbabwe Investiment and Development Agency (ZIDA),” vanodaro.

Vanoti ongororo yakakosha zvikuru muzvirimwa uye munguva inotevera Zimbabwe ichange yave kutengesa nyama yehuku nemazai kune dzimwe nyika dzakadai seChina neIndia kunova kwazviri kudiwa zvakanyanya.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×