Seed Co yakabatsira vanotambura

Munyori weKwayedza
KAMBANI huru munyaya dzekuuchika nekutengesa mbeu muno, yeSeed Co Zimbabwe, svondo rapera yakabatsira misha inochengetwa vanhu vanotambura nembeu yechibage nehupfu senzira yekudzosera kunharaunda dzainoshanda iri.

Vakabatsirwa nembeu nehupfu iMutemwa Leprosy, Mother of Peace neMashambanzou Care Trust.

Vachitaura pakutambidzwa kwezvinhu izvi, mukushi wemashoko kuSeed Co, Muzvare Marjorie Mutemererwa, vanoti kambani yavo ine chinangwa chekuona kuti nyika yawana kudya kwakakwana kuburikidza nekurima.

“Ibasa redu rekubatsira vanhu vanotambura munyika yose.

“Kuburikidza nemabasa etsitsi atinoita, tinonyanya kutarisa nyaya dzeutano, kurima, dzidzo, mitambo netsika,” vanodaro.

Vanoti vanobatsira vanhu vakasiyana mushure mekuita ongororo yekuona kuti zvii zvavangada.

Munguva pfupi yadarika, Seed Co yakapihwa mubairo mukuru weZimbabwe Top Sustainable of the Year 2018 uyo wakabva kusangano reCommunity Social Responsibility Network Zimbabwe.

“Tava nemakore mazhinji tichishanda nezvipatara, makereke, misha inochengeta nherera, varimi uye zvikoro tichitsigira nepose patinogona napo uye ticharamba tichibatsira kuti upenyu hwevanhu hureruke,” vanodaro Muzvare Mutemererwa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *