Sabhuku wechikadzi ndiye ari panyanga

HURUMENDE iri kurumbidzwa nematanho ayo akananga kusimudzira vanhukadzi kuburikidza nekuvapa mikana yakaenzana nevanhurume muzvikamu zvakasiyana zvakaita sekuva masabhuku, masadunhu kana madzishe.

Rumbidzo iyi yakaitwa naMai Florence Chundu (52), avo vanova Sabhuku Butawu kudunhu rekwaChundu, kuHurungwe.

Mudzimai uyu, uyo anove shirikadzi, anoti husabhuku hwake akahupihwa nemadzibaba vake apo murume wake ainge achiri mupenyu.

“Iye zvino tava nemadzishe echidzimai munyika, nesuwo masabhuku echidzimai tavapo, vanhukadzi nemuHurumende tizere. Zvinokudzwa izvozvo,” vakadaro.

“Muno maShe Chundu tiri masabhuku echidzimai mashanu. Kudzimwe nzvimbo vanhu vanoshora hutungamiri hwechidzimai, kunyanya kana vakaita seni shirikadzi. Asi zvakadaro, ini ndisina murume kudaro ndinotonga chete ndichikudzwa uye zvinodawo hunhu hwako iwe mudzimai worega kuva mvemve rinongoitwa madiro nevarume. Unofanirwa kuva nechimiro chakanaka.

“Kuva mutungamiri hakunei nekuti uri mudzimai kana kuti murume. Ndaitonga kumusha kwedu ndiri kumurume vanababa nehanzvadzi dzangu nemadzitete vawirirana kuti ndipihwe nyembe idzi. Zvisinei kuti ndaiva pasi pemurume wangu kwandaiva ndakaroorwa, ndakatambira nemawoko maviri basa iri apo ndakatanga kutungamirira musha uyu mugore ra1995. Ndakazogadzwa zviri pamutemo nekupihwa nyembe mugore ra2000,” akadaro sabhuku uyu.

Vanoti murume wavo akazoshaika mugore ra2004 apo vakazotanga kunetswa nehama dzake dzichida pfuma yakasiiwa nemufi uyewo nekuti vabve pamusha wavaive vakasiiwa vari.

“Musha wandinotungamirira une mhuri 83 umo mune vanhu vanodarika 500. Ndinotonga nyaya dzakasiyana, dzimwe dzekurwira miganhu yeminda, kutorerana vakadzi kana varume, kutukana nekunangana huroyi,” vakadaro Sabhuku Butawu.

Sabhuku ava vanoti vaiva nevana vaviri asi vasara nemumwe chete zvichitevera kushaya kwemumwe wacho.

Vanoshorawo vanhu vane tsika yekutorera shirikadzi pfuma nezvimwe zvinhu zvavanenge vasiirwa nevarume vavo.

“Seni ndakatorerwa zvose kusanganisira nemombe ndikabva pamusha apa ndiri tsuro asi ndakazonoshanda zvimwe ndave kumusha kwangu. Ndinoti hama dzevarume ngadzisiye hudyire kusvika pakadaro.”

Vakakurudzirawo zvakare madzimai kuzvishandira kwete kumirira kuriritirwa nevarume chete.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×