Bambo aikurasisa bedzi: Msiska

Akanwisa ka12 kubva pakona

MUMUTAMBO wenhabvu, kashoma kunzwa kana kuona mutambi achinwisa bhora mushure mekunge arova mugadzikirwa wekona, sezvakaitwa nemutambi wemuno kuSouth Africa, Denvar Mukamba svondo rino.
Pazvinoitika izvi, mutambi uyu anopembedzwa nekuti zvinotoda hushahsa. Asi vamwe vanenge voshora mubati wepagedhi.
Chiitiko chakadai chinovhundutsa zvakanyanya vatsigiri venhabvu vanenge vachiona mutambo uyu. Kana mutambi akanwisa bhora richibva pakona richinonwa mumambure iri rinodaidzwa kuti “Olympic goal” kana kuti “Olympic kick” nekuti kashoma kuzviona zvichiitika.

Zita rekuti “Olympic goal” rakapihwa mushure mekunge mutambi wekuArgentina ainzi Cesareo Onzari anwisa kubva pakona kumitambo yemaOlympics mugore ra1924 ndokubatsira chikwata chake kukunda cheUruguay mumutambo wakatambirwa muParis, kuFrance.

Mitambo yeCastle Lager Premiership inogona kutambwa kwemakore pachishaya mutambi anonwisa mushure mekunge arova kona.
MuZimbabwe, Moses “Razorman” Chunga akaita mukurumbira nekuve mutambi ainwisa zvikuru kakawanda mabhora achibva pakona, mafree-kick nemapena achinozunguza mambure.

Bambo, sekuzivikanwa kwaaiitwa mazuva aakatambira Dynamos FC kwemakore matanhatu kubva 1983-88, akanwisa mabhora akawanda kubva pakona. Rimwe gore anonzi akanwisa ka12 mumwaka mumwe chete kubva pakona inova nhorondo inodadisa zvikuru uye isina ati aiparadza.

Svondo rapera, Kwayedza yakaita hurukuro naRazorman ichida kuziva kuti aizvifambisa sei pakurova bhora kubva pakona richinwa pasina mumwe mutambi anenge ariguma.

Razorman anoti haacharangarire kuti akanwisa makona kana mafree-kick akawanda zvakadini.
Anoti kana mutambi achida kunwisa kona oga anofanirwa kugara achigadzirira zvakasimba uye nekuve netarenda rinodadisa.
“Handichazive hangu kuti ndakanwisa makona mangani asi ndakarova akawanda ainwa asina kumbogumwa nemumwe mutambi. Zvinhu zvakawanda zvinodiwa pakurova kona zvakafanana netarenda remutambi uye anofanirwa kugadzirira zvakasimba. Ukagadzirira hapana chaunotadza, zvose unoita munhabvu,” nodaro.

Akaenderera mberi achiseka hake ndokut: “Dzimwe dzenguva zvimwewo sekuru vanogona kukusvikira (kupoterwa nemudzimu) ukakwanisa kurova kona ichinwa.”

Pamapena, Bambo anoti achiri kurangarira kuti akarova 25 mumitambo yePremiership yemuno pamwe nekuBelgium kwaakambotambira uye maviri bedzi ndiwo akatadza kunwa. Mapena maviri asina kunwa aya anoti rimwe chete nderemuno rimwe racho rekuBelgium.

“Mapena akatoipa manje, anotadzika zvakanyanya. Funga uri muRufaro yakazara nevatsigiri kwasara maminitsi matatu kuti mutambo upere wonzi rova pena.

“Maziso ose anenge akatarisa kwauri kuti uchanwisa here, pena inorema,” anodaro Chunga.
Kwayedza yakabvunza Bambo kuti ndevapi vamwe vabati vepagedhi vaakambosangana navo akavanwisa makona, mapena nemafree-kick.
“Bvunza Brenna Msiska anokuudza kuti aibata sei mabhora anenge arohwa naMoses Chunga.

“Ndakasangana nevabati vepagedhi vakaita saBrenna Msiska, Japhet Muparutsa naNat Bismark. Vaibata bhora varume ava uye vaisanwisika zvekumhanya.

“Ivava ndivo vangakwanise kukuudza kuti vaibata sei uye vainzwa sei kana ndanwisa. Ini handikwanise kuzvitaura ndogona kutaura zvenhema.”
Kwayedza yakazoita hurukuro naMsiska, uyo aibatira CAPS United panguva iyo Bambo aitambira Dynamos, ndokutsanangura Chunga semutambi aive shasha yekurova mapena pamwe nemafree-kick.

“Chunga aigona, aitamba bhora uye ainwisa mafree-kick, makona nemapena.
“Ini hangu haana kundinwisa kona asi mafree-kick nemapena akandinwisa kakawanda uye ndikambomubatirawo mapena.
“Free-kick aigona kukunwisa ka10 kakatevedzana achingodzokorora uchiramba wakamira pasina zvaunombokwanisa kuita,” akadaro Msiska.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×