ALEXIS Sanchez anogona kudambura hukama hwake neArsenal sezvo zviri kunzi ari kudiwa neshasha dzekuItaly, Juventus.
Chizvarwa chekuChile ichi mumwe wevatambi vepamusoro muchikwata chaArsene Wenger zvichitevera kutengwa kwaakaitwa ne30 miriyoini paunzi achiuya kuEmirates achibva kuBarcelona mugore ra2014.
Asi sezvo maGunners akatadza kurwira mikombe mikuru mwaka uno uye achitadza kuwedzera mimwe pamutambo weFA Cup, uyo akahwina makore maviri adarika, shasha iyi ine makore 27 okuberekwa inogona kuenda kune chimwe chikwata.
Bepanhau rekuItaly rinonzi Corriere dello Sport rinoti chikwata chaMassmiliano Allegri chiri kutarisira kuvaka patsva kuti chigorwira kuchengetedza mukombe wacho wachakahwina mwaka uno.
Matambiro aSanchez akadzikira mwaka uno zvichitevera kutamba kunonwisa mvura kwaakaita mumwaka wake wekutanga kumaGunners izvo zvakamuona achinwisa ka25 mumitambo 52.
Mutambi uyu akambogara kuItaly kwemakore mashanu achitambira Udinese iyo inokwikwidza muSerie A. Mwaka uno ange achitatarika mumatambiro ake zvichitevera kukuvara kwaakamboita. — Daily Mail Football




