Kurwadziwa nemusana

SANGANO reWomen’s Action Group (WAG) rinoti zvakakosha kuti veruzhinji, zvikuru vanhukadzi, vatore matanho ekuchengetedza miviri yavo kubva kuzvirwere zvakaita sezvemusana. Chinyorwa chesangano iri chinonzi Know Your Health chinoti kune mamwe mabasa anoitwa nemadzimai pamwe nevanharume ayo anorwadza kwazvo anogona kukonzera zvirwere zvakaita sechemusana nezvimwe.

Musana kana ukaramba uchirwadza zvichiteverwa nekukosora kwakanyanya uye kurasikirwa nehuremu hwemuviri unogona kunge uri mucherechedzo wechirwere cherurindi chemumapapu.

Kana kuri kuvana vacheche kana nechepabonzo rekumusana pakaita kakuzvimba anogona kunge aine rurindi rwepamusana (TB of the spine).

Kana munhu akamira asina kuti twii sekuti akabhendesa mapfudzi akawira nechemukati zvinogona kukonzera zvirwere zvemusana.

Kuramba uchinzwa marwadzo emusana kana uri munhu akwegura chinogona kunge chiri chiratidzo chechirwere cheArthritis.

Marwadzo anenge ari nechekumusoro kwemusana nechekurudyi anogona kunge ari zviratidzo zvekuti mudundira (gall bladder) mune dambudziko.

Zvisinei, kurwadza kwemusana kumadzimai kana vasikana vanenge vakazvitakura kana kuti panguva yekutevera kunotarisirwa zvakanyanya pasina zvigozhero zvinenge zviripo.

Kurwadziwa nemusana mushure mekutakura zvinhu zvinorema kunoratidza kuti unenge washandisa muviri wako zvisina mwero. Kumwe zvakare kurwadza kwemusana chinenge chiri chiratidzo chekuti pane zvinhu zvisina kumira zvakanaka muchibereko, mumatumbu kana kuti kumazai emuchibereko (ovaries). Kutakura zvinhu zvinorema pamusoro, kuramba munhu achitakura pamuviri apo neapo pasina zororo, kukotama kwenguva refu uchisakura kana kuita mamwe mabasa kunogona kukonzera kuti musana unge uchirwadza zvakare.

KUDZIVIRIRA MARWADZO:

Zvakakosha kuti vanhu vaite mabasa avo angave emumunda zvine mwero nekuti miviri inoda kuzorodzwa.

Kuregedza kutakura zvinhu zvinorema.

Kana musana uchinge waramba uchirwadza, zvakakosha kuona vanachiremba nekukasika kuti vaone zvikonzero nematanho avangatore kuti urapwe.

Kana munhu wakagara pachigaro, gara wakarurama kwete kubhendesa mafudzi nekuti zvinorwadzisa musana.

Musaise zvinhu zvinorema pamafudzi, zvinokuvadza musana nekuti mabhonzo enhengo idzi anodyidzana.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×