Sangano robatsira varimi

RIMWE sangano rakazvimirira reClimate Smart Trust rosimudzira mabasa ekurima kumativi mana enyika kuburikidza nekubatsira varimi mumabhindauko akaita sekurima howa, maruva nekupfuva hove.
Muhurukuro naMai Felistus Ndoro (32) vanova munyori kusangano iri kuNorton vanoti kunzvimbo yavo vane nhengo dzinosvika 150.

“Tiri kunyanya kushanyira nzvimbo dzakaita semakereke tichitsvaga vekushanda navo sezvo vanhu vanonamata vachigona kushanda nevamwe zvisinganetse,” vakadaro Mai Ndoro.

“Tiri kuwanisa vanhu zvakare dzidziso ine chekuita mukudzivirira kushanduka kwemamiriro ekunze uye nezvingagona kukonzeresa kushanduka uku zvakaita sekutema miti, kuchera makomba nekupisa masango.

“Parizvino nhengo dzedu dzakatowana dzidziso maererano nekurimwa kunoitwa howa, tava padanho repamusoro kuti tichitanga kurima sezvo tiri kugadzira zvinodiwa pakurima howa sehuswa hwekuvaka mipanda inorimirwa howa, kuvaka zvimbuzi nepekugezera sezvo huchida hutsana pakuhurima,” vakadaro.

Zvakadaro, vanoti rimwe rematambudziko avari kusangana navo kushaikwa kwemari dzekuti mabhindauko avo afambe zvakanaka.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×