Seed Co yakahwapura mubairo

KAMBANI ine mbiri yekuuchika mbeu munyika yeSeed Co yakapihwa mubairo mukuru wekugona basa weZimbabwe’s Outstanding Organisation of the Year, Agro Based munguva pfupi yadarika.

Mubairo werudzi urwu ndewechipiri zvichitevera kupihwa zvakare kwakaitwa kambani iyi mumwe wekugona basa weNorthern Region gore rapera.

Zvakadaro, Seed Co yakapihwa mubairo uyu weZimbabwe’s Outstanding Organisation of the Year, Agro Based nekambani yeMegafest.

“Mubairo uyu takaupihwa nekambani yeMegafest National Business Awards apo vaitarisa kushanda kwese kwataiita mukuuchika mbeu uye kugona kuzadzikisa zvido zvevarimi mubhizimusi rekurima. Saka kwatiri chave chitsvambe kuti tinge tichiramba tichiwedzera kugona basa nekuti kune vaongorori vanoona kutadza kana kugona kunenge kuri kuitwa nevanhu mumakambani,” vakadaro VaIvan Craig vanove Sales and Marketing Manager kuSeed Co.

Seed Co, vanodaro, ndiyo yega iri pamberi mukugona kuuchika mbeu dzemhando yepamusoro dzinova dzinosvika kuvarimi nemitengo yakaderera.

“Donzvo redu ndere kuisa murimi pamberi pane zvose. Tiri kudzidzisa varimi kuti vangagona sei kurima mbesa dzavo pasina dambudziko tichivafundisa zvekare kuti vagone kubura goho rinovafadza kuti vange vachiita mari kuburikidza nekutora kurima sebhizimusi,” vakadaro VaCraig.

Vaive vanoremekedzwa pachiitiko ichi, Gurukota rebazi remichina yekufambiswa kwemashoko neposvo, Cde Supa Mandiwanzira, vakakorokotedza Seed Co vachiti mabasa ayo anobatsira mukuwanikwa kwekudya kune utano munyika pamwe nekutsigira chirongwa chekusimudzira upfumi hweZimbabwe cheZimAsset.

Mukushi wemashoko kuSeed Co, Muzvare Majorie Mutemererwa, vakatenda zvikuru kambani yeMegafest nekuwaniswa kwavakaitwa mubairo wepamusoro uyu.

“Tinotenda veMegafest nekuti cherechedza mumashandiro edu nekuti zvinoti simudzira uye zvinobatsira kuti paye patinotadza tinokwanisawo kugadzirisa nenguva kuti zvinhu zvinge zvichiendeka,” vakadaro.

 

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×