‘Sekerera pose patinosangana’

Amager Mufema
VANHU vaive mudare vakaita sevachatyoka mbabvu nekuseka apo imwe chembere yakati inoda kudzivirirwa kubva kumuvakidzani wayo uyo anoramba kuisekerera pose pavanosangana.

Enita Zireri akaendesa Christine Ngwerume kuHarare Civil Court achiti iye nemhuri yake vanogara vakamutsamwira.

“Muchionawo ndauya kudare kudai, moyo wangu hausi kufara. Muvakidzani wangu Ngwerume uyu ane tsika yekundimudhurira iye nemhuri yake pose patinosangana mungave mumugwagwa kana patinosukira ndiro.

“Saka ndauyawo kuno kudare ndichikumbira kuti rimuudze kuti pose paanosangana neni iye nemhuri yake vanofanirwa kusekerera kwete kundimudhurira,” akadaro Zireri zvikaita kuti vanhu vaive mudare iri vati bvuu nekuseka.

Akati Ngwerume anogara achimutuka uye kumupumha huroyi nekumuti ipfambi yemakoko.

“Mambo wangu ndisingagumire pakundimudhurira chete, akanditi zvakare ndiri pfambi, ndiri kuwora nemukondombera.

“Akanditiwo ndiri muroyi ndinodya vana vangu ndokusaka ndichigara ndega. Zvino zvemumba mangu zvinei naye? Ini ndakayarutsa ndikadzidzisa vana vangu vakazvivakirawo misha yavo nemhuri dzavo saka hapana chikonzero chekuti vangagare neni,” akadaro Zireri.

Ngwerume haana kuuya kudare kuti azopawo divi rake.

Mutongi Barbra Mateko akapa Zireri gwaro redziviriro.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×