Daphne Machiri
MWANASIKANA chikwapuro pafundo wepaQueen Elizabeth High School (QE), muHarare, akadadisa nekukunda vamwe vose muAfrica mumakwikwi ezviratidzwa zvesainzi izvo zvava kuita kuti anomiririra Africa kumakwishu eIntel International Science Fair achaitirwa kuPhoenix, kuUnited States gore rinouya.
Kudzai Chabara, uyo ari kuita Form 5, ndiye akahwinha mumakwikwi eEskom Expo International Science Fair kuSouth Africa nguva yadarika apo akaratidzira firiji yaakagadzira inoshanda nemuto wemaremoni nemadota pasina magetsi.
Muhurukuro neKwayedza, Kudzai akati ari mudenga rechinonwe zvichitevera kukunda kwaakaita vamwe vose vemuAfrica.
“Makwikwi aya akanga akaoma sezvo kaiva kekutanga. Purojekiti yangu yaiva yekugadzira firiji inoshanda nemuto wemaremoni nemadota iyo yakaita kuti ndikwanise kukunda mumakwikwi aya ndichizosarudzwa kunomiririra Africa kumakwikwi eIntel International Science Fair,” anodaro Kudzai.
Anoti ane chishuwo chekunokunda kumakwikwi kwaachaenda kuUnited States of America gore rinouya.
Mutungamiri weZimbabwe Science Fair, Knowledge Chikundi, ari kurumbidza Kudzai nekukunda kwaakaita zvine mutsindo.
“Wakava mukana mukuru kune vadzidzi vezvidzidzo zvesainzi vemuZimbabwe kumakwikwi eEskom Expo International Science Fair ayo atakakunda kuNorthern Gauteng, kuSouth Africa, takawana menduru ina,” anodaro Chikundi.
“Purojekiti yaKudzai yaiva yeboka reBiochemistry and Microbiology iyo akagadzira firiji inoshanda nemuto wemaremoni nemadota pasina magetsi.
“Purojekiti iyi akaiita mushure metsvakiridzo kunzvimbo dzinorimwa matomatisi kwaChivi nekwaMutoko. Inobatsira mukuchengetedzeka kwezvirimwa zvakaita sematomatisi nechimwe chikafu kuti zvisawore kunzvimbo dzisina magetsi,” anodaro.
Akarumbidza hunyanzvi huri kuratidzwa nevechidiki muzvigadzirwa zvesainzi achiti izvi zvakakosha mubudiriro yenyika.
“Ndinoti pamberi nekusimudzira zvidzidzo zvesainzi kubva gwaro repuraimari kusvika kuyunivhesiti,’’ anodaro Chikundi.



