Munyori weKwayedza
MUTAURIRI wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoti mapurisa anoita basa rawo akasununguka, pasina tsvete kana kutya mamiriro akaita munhu anenge apara mhosva. Vanoti havatye kusunga ani zvake, angava n’anga kana kuti muporofita. Mashoko avo anotevera nyaya yemurume wekwaChihota wekusungwa nemapurisa nguva yadarika muHarare mushure mekunge mubhegi make mawanikwa muine zinyoka.
Murume uyu, Grey Mupinganjira (32) ava kutyisidzira mapurisa akamubata achiti vose vachapofomara uye vachizvara vana zvirema.
Nyaya ya Mupinganjira, wemubhuku raMuhove, kwaChihota, yakatopinda mudare ndokubhadhariswa faindi ye$150 mushure mekubatwa nemhosva yekuwanikwa aine nyoka zvisina mvumo yeveNational Parks and Wildlife Management.
Chief Supt Nyathi vanoti mapurisa anoita basa ravo zviri pamutemo pasina kana kuvhundutsirwa.
“Zvaari kutaura murume uyu zvichaita kuti isu semapurisa titange kuongorora mashoko aya zvine unyanzvi asi hazvikanganise basa redu. Dzimwe nguva kuvhundutsira chete, tinoita basa takatungamirirwa nemutemo sezvakaitwa nemapurisa vaiva pabasa avo vakamusunga, havana chavakatadza,” vanodaro Chief Spt Nyathi.




