Shasha yekudhirowa paEastridge Primary

PAKANGE pasingadanwe anonzwa pachikoro cheEastridge Primary School, muHarare, nguva pfupi yadarika apo vana vakaita makwikwi ekudhirowa mifananidzo yakasina-siyana.
Muhurukuro naArts Club Director wepachikoro ichi, Mai Ethel Mtetwa, vakati vakatanga kirabu iyi zvichitevera kurudziro yakaitwa nebazi remitambo tsika nemagariro, yekuti zvikoro zvikoshesewo zvidzidzo zvekudhirowa.

Vanoti vamwe vana vanokwanisa kuzowana raramo mune remangwana kubva mukudhirowa.

“Takatanga Arts Club patakapihwa gwaro rePrincipal Circular Number 28 of 2010 iro rinoti kunofanirwa kuva nezvidzidzo zvemitambo, tsika nemagariro muzvikoro zvese zvakare kuti patemu yoga-yoga kunofanirwa kuitwa dopiro rekuratidza matarenda emawoko evana vechikoro,” vakadaro Mai Mtetwa.

“Magwaro ose anokwikwidza mukudhirowa kubva kuECD kusvika Grade 7 uye tine mazuva atinovaitisa zvizidzo zvekudhirowa.”

Vanoti pachikoro chavo vane mwanasikana ari muGrade 3, Samara Chigumbura, uyo ane mukurumbira wekudhirowa.

Muhurukuro naSamara anoti zvekudhirowa akaberekwa zviri maari. “Ndakakura ndichifarira zvekudhirowa mifananidzo uye ndinofarira kudhirowa mifananidzo yakasiyana-siyana ,” akadaro Samara.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×