Abel Zhakata
MAPURISA ari kuongorora nyaya yemukadzi anoita zvechipfambi uyo akabatwa aine zinyoka rerudzi rweshato rakareba mamita matanhatu paimwe hotera iri maMutare vari kutambudzika kuti vawane murume anogara mumusha weSakubva ikoko uyo anova ndiye ane huchapupu munyaya iyi.
Murume uyo anonzi ndiye akatanga kufumura gure iri apo akadhumhana neshato iyi mu “room” yanga yakabhukwa nemukadzi uyu.
Simbarashe Mupuradziva (40) ndiye mufakazi mukuru ane huchapupu panyaya iyi sezvo ari iye anoti akaona nyoka iyi ndokuzomhan’ara nyaya yacho kumapurisa.
Queen Mpofu — uyo anoti anorarama nechipfambi — naLoice Samhere anova muridzi wehotera iyi, vari kupomerwa mhosva yekugara nenyoka uye vakatomiswa pamberi pedare reko.
Vaviri ava vari kupomerwa kutyora chikamu chemutemo cheSection 128 of the Parks and Wildlife Act uyo unorambidza kuvhima kana kuchengeta mhuka dzinochengetedzwa nemutemo.
Mumwe mupurisa ane ruzivo nekuongororwa kuri kuitwa nyaya iyi anoti matikitivha ari kutsvaga Mupuradziva asi vari kutadza kumuwana kana kuziva kwaari.
“Chapupu ichi chikashaikwa uye chikadaidzwa kudare chikasauya, nyaya iyi inoshaya basa. Ndiye akaona nyoka iyi uye ndiye akamhan’ara nyaya yacho kumapurisa.
“Haasi kuwanikwa kuti ari kupi uye foni yake haichabatike. Mapurisa aedza kumutsvaga pamba pake kuSakubva asi haasi kuwanikwa. Hapana anoziva kuti sei akangoshaikwa,” anodaro mupurisa uyu uyo asingade kuti azivikanwe nekuda kwemutemo webasa rake.
Mushure mekunge nyaya yenyoka iyi yabuda uye yatenderera, Mupuradziva akabuda pachena kuti ndiye akadhumhana nezishato iri muhotera.
Mpofu ari kunziwo akazoudza mapurisa kuti aingochengetera Samhere — muridzi wehotera — nyoka iyi zvikaita kuti asungwewo.
Zvisinei, pari zvino Mpofu ava kuramba nyaya iyi achiti haana kubvira amboonekwa aine nyoka.




