Shwaudza mukanwa nemajuru

Muchaneta Chimuka

MAJURU kudya kunofarirwa nevanhu vakawanda kubva pasichigare. Kudya uku kwakakosha nokuti kunotipa mapuroteni neiron, izvo zvinoita kuti mabhonzo emumuviri agare akasimba.

Pamusoro pezvo, tinowana mavitamin anoti A neB. Anobatsirawo mukugaiwa kwechimwe chikafu mudumbu.VaCephas Munatsi vekuMasvingo vanotitsanangurira maka-ngirwo emajuru zvemhando yepamusoro.

Zvinodiwa

Komichi imwe chete yemajuru;

Chikari kana rwayenga;

Chipunu;

Mvura yakachena;

Munyu;

Mafuta

Majuru

Makangirwo

Geza majuru ako achene.

Gadza rwayenga pamoto.

Isa mvura shoma ine munyu murwayenga.

Kanda majuru, zvifashaire kuitira kuti munyu upinde mukati mawo.

Kanga kusvika mvura yapera, wotsvotika tumafuta           tushomanana.

Ramba uchikanga kusvikira majuru atsvukira.

Wozodii?

Kana wapedza, pakura udye nehama neshamwari. Vamwe vanoadya nesadza kana akadaro.

Majuru kudya kweparwendo, apo munhu anogona kufamba achinokora achidya.

Kune vamwewo vanoadya vachiseredzera chimwe chikafu chavanenge vadya (dessert).

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti: +263 773 394 753.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *