Abel Ndooka
SHASHA yeCastle Lager Premiership League (PSL), Simba Bhora, iri kutanga rwendo rwayo rwemumutambo weCAF Champions League apo chikwata ichi chichibandana necheNsingizini Hotspurs chekuEswatini mupreliminary round one nemusi weSvondo.
Mutambo wezvikwata zviviri izvi uchange uri kuFrancistown Stadium, kuBotswana.
Simba Bhora iri kushandisa nzvimbo iyi sezvo pari zvino muZimbabwe musina nhandare iri padanho rinotenderwa neCAF neFIFA kuti iitirwe mitambo mikuru yakaita seiyi.
Aka kachange kari kokutanga Simba Bhora ichitamba muChampions League zvichitevera kupinda kwayakaita muPSL makore adarika.
Chikwata ichi chakawana mukana wekutamba makwikwi aya zvichitevera kuhwinha kwachakaita mukombe wePSL mumwaka wa2024.
Mutambo wokutanga uriko musi weSvondo. Wechipiri uchange uriko musi wa28 Gunyana pamusha weNsingizini Hotspurs, kuEswatini.
Chikwata chichakunda pamitambo miviri iyi chichapfurira mberi kuenda kuchikamu chechipiri chepreliminary round two, apo chichasangana nechichakundawo pamutambo weGaborone United yekuBotswana neSimba Sports Club yekuTanzania.
Mutambo uyu uchange uriko muna Gumiguru.
Chikwata cheSimba Bhora, icho chiri kurairidzwa naJoel “Dubai” Luphahla, chiri kupinda mumutambo uyu panguva iyo chiri kutungamira palogo rePSL. Panguva imwe cheteyo, chikwata ichi chiri kurwira kuchengetedza mukombe wacho wePSL.
Svondo radarika, Simba Bhora yakaita mangange 0-0 neScottland FC mumutambo wainge uri iwo mukuru. Ndiwo waiteverwa nevatsigiri vazhinji venhabvu sezvo vaiti mauri ndimo muchabuda shasha yePSL yegore rino.
Zvichakadai, svondo rino hakudanwi anonzwa mumutambo weChibuku Super Cup quarter-final apo Dynamos FC, iyo ine mukombe uyu, ichibandana neZPC Kariba kunhandare yeRufaro muHarare.
DeMbare ndiyo yakahwinha mukombe uyu makore maviri adarika, nokudaro mwaka uno iri kuzama kunyora nhoroondo kuti igove chikwata chokutanga kusimudza mukombe uyu makore matatu akatevedzana.
Mimwe mitambo yeChibuku Super Cup quarter-final iriko svondo rino inosanganisira weManica Diamonds, iyo ichatatsurana neTriangle United kunhandare yeSakubva, kwaMutare.
Bikita Minerals ichange iri pamusha payo kuGibbo Stadium, uko ichasangana neMWOS FC.
Highlanders ichange iri pamusha payo zvakare kuBabourfields, kuBulawayo, nomusi weSvondo apo ichabandana neScottland FC.
Scottland FC neMWOS FC zviri kudzingirira mikombe miviri mwaka uno. Zvose zviri murwendo rwekurwira mukombe wePSL pamwe chete neweChibuku Super Cup.



