Simfresh yoyambutsa varimi

Norman Chitawa naGrace Nhingwa
Norman Chitawa naGrace Nhingwa

SIMFRESH International iri kusimudzira varimi munyika kuburikidza nekuvadzidzisa marimirwo emandorokwati uye nzira dzekuchengetedza goho kuti risaparadzwe.

VaNorman Chitawa, avo vanove mubati wehomwe kukambani iyi vanoti vave nemakore matatu vachishanda nevarimi kumativi mana enyika.

“Tinofundisa varimi vanobva kumatunhu akasiyana kurima zvirimwa zvinosanganisira matomatisi, mbatatisi, mbambaira, hanyanisi, garlic, manwiwa nezvimwe. Asi pari zvino tiri kunyanya kutarisana nenyaya dzekurimwa kwembambaira nembatatisi,” vanodaro.

Vanoti vakatodzidzisa varimi vanodarika 200 kurimwa kwembatatisi nembambaira nekudzikohwa kwakanaka.

“Takaona kuti varimi vazhinji vairasikirwa negoho ravo nepamusaka pekukundikana kuziva makohwero akanaka asi kuburikidza nezvidzidzo zvatinovaitisa pano, vachibatsirwa nenyanzvi dzinobva kuArex, tiri kuona shanduko huru.

“Tinotenga zvakare zvirimwa zvinobva kuvarimi vatinenge tadzidzisa nekuvabatsira kuti vawane misika mikuru munyika muno nekunze. Kana murimi akarima zvakanaka anobura goho rinogutsa mutengi,” vanodaro.

Grace Nhingwa, uyo anove nyanzvi yezvekurimwa kwemichero (horticulturalist) kukambani iyi, anotiwo zvirimwa zvakadai semuriwo, mbatatisi nehowa zvinobatsira varimi nekuti vanowana kudya kwemhuri kunovaka muviri uye zvichivapa mari nekukasika.

Anoti vane mazuva avanoshanyira varimi kumatunhu avo, zvikuru panguva yekukohwa, vachiona budiriro kana kunzwa matambudziko avanosangana nawo.

Kambani iyi inyanzviwo mukuvandudza nzvimbo dzekutandarira, kugadzira pekuitira mabiko nezvimwe.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×