Sinach oridza pachirongwa cheToday’s Woman

Abel Ndooka

MUIMBI wekuNigeria ane mukurumbira Osinachi Kalu Okoro Egbu, uyo vazhinji vanoziva saSinach, achauya kuzoridza muno muZimbabwe mwedzi unotevera, pachirongwa cheToday’s Woman Interdenominational Conference, icho chiri kurongwa nekereke yeZAOGA Forward in Faith Ministries International.

Dopiro reToday’s Woman richaitirwa kuGlamis Arena muHarare kutanga musi wa4 Gunyana kusvika musi wa6 mwedzi wakare.

Sinach, uyo anozivikanwa nenziyo dzakaita mukurumbira dzinosanganisira “Way Maker”, mumwe wevaimbi vachange vari pachirongwa ichi, icho chinounza pamwe chete madzimai kubva kunyika dzakatsaukana.

Dr Larvene Simukai

Today’s Woman conference director Dr Larvene Simukai, avo vakataura vakamirira Dr Eunor Guti, vanove ivo vakavamba chirongwa ichi, vakati Today’s Woman Interdenominational Conference yakavambwa nechinangwa chekusimudzira madzimai munyaya dzakasiyana-siyana dzeupenyu, dzinosanganisira kuvadzidzisa kuvamba mabhizimisi emaoko kuti vagozvimirira muupenyu hwavo.

“Chirongwa cheToday’s Woman chakavambwa naDr Guti nechinangwa chekudzidzisa madzimai akasiyana-siyana kuti agone kuzvimirira muupenyu, adzidze kuzvishandira nemaoko avo, saka chirongwa ichi chinobatsira zvikuru.

“Gore rino tine mufaro mukuru wokuti tichange tine muimbi ane mukurumbira pasi rose, Sinach, uyo achange achiimba, achitandadza pamwe nekuparidzira madzimai achauya pachirongwa ichi,” akadaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *